Skiezy ozorodza ndangariro dzeveruzhinji

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki ari kusimukira, Simba “Skiezy” Shumba (24), ozorodza ndangariro dzeveruzhinji zvichitevera kubura kwaakaita kambo kanonzi “Zororo”, ako kari pamusoro pemarwadzo akasiyana-siyana anosangana nevanhu mukurarama.

Skiezy, uyo aimbove mudzidzi wepaNational University of Science and Technology (NUST), anonyanya kuzivikanwa nekuimba musambo weAfro-fusion.

“Pandakaimba rwumbo rwangu ‘Zororo’, inova single track, ndaida kudzidzisa veruzhinji kuti kana vachinge vasangana nezvipingaidzo zveupenyu, zvimwe zvacho hazvidi kuwanza hasha. Kazhinji, zvinoda kuti munhu anyarare, odzikamisa hana yake, achitarisa kuti zvinhu zvakakoshera upenyu hwake ndezvipi pane kuzvishungurudza nendangaririro dzinogona kuita kuti ugumisire wabatwa nezvirwere zvakadai seBP (high blood pressure), zvinova zvinouraya,” anodaro.

Skiezy anoti mukurarama, zvinhu hazvirambi zviri mutserendende, setarisiro inenge ichiitwa nevanhu, sezvo vamwe vanogona kurasikirwa nevadikani vavo, kushorwa kana kutukwa, izvo zvinoita kuti pfungwa dziwanikwe dzichidzamirwa.

“Mukudzamirwa nepfungwa, tinoona vamwe vachisvika pakutora upenyu hwavo, vachifunga kuti ndiko kuti vawane zororo, zvinova zvatisingakurudziri. Rumbo rwangu rwuripo pakupanga mazano maringe nekuti unoita sei kana uchinge wasvika panguva yekuomerwa. Nziyo dzakakosha sezvo dzinoteererwa nevanhu vakawanda, mungava mumabhazi mavanenge vari, saka ndinovimba rimwe remazuva upenyu hwemumwe munhu hunogona kutochengetedzwa mushure mekusangana nemharidzo yerwumbo ‘Zororo’,” anodaro.

Skiezy anoti pamazuva aakabura kambo aka, iye pachake aisangana nekudzamirwawo nepfungwa asi akawana kundiso.

Anoti akaona kuti zvakakosha kuti abatsirane neveruzhinji mukuvayambutsawo mumatambudziko avo kuburikidza nekambo aka.

“Zororo” musanganiswa weAfro-fusion neR&B, zvichifambirana netsika nemagairo evanhu vemuZimbabwe.

Skiezy akabuditsa zvakare nziyo dzine chitsama, dzinosanganisira “Ndinewe”, achibatsirana naZeb Taikira uye Shonaboi.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×