St Johns Chikwaka yauya nezvitsva

Daphne Machiri
CHIKORO cheSt Johns Chikwaka chiri kuGoromonzi chakaparura mutambo mutsva unoratidza kukosha kwetsika nemagariro echinyakare izvo zvinoenderana nechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum.

Mutambo uyu unonzi Harsh Realities uye unodzidzisawo zvakasiyana sekukosha kwekuchengetedza humhandara.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Estery Tayimo, avo vanova mudzidzisi pachikoro ichi vanoti nyaya dzemitambo yakadai dzinofambirana neNew Curriculum.

“Kubva pakatanga kushandiswa gwaro idzva refundo, zvakatipa mukana wekuvandudza matarenda pachikoro uye kuti vana vakwanise kuita zvemitambo, nhetembo, vanyori, vanoridza magitare nevanoimba. Takakwanisa kuumba St Johns Chikwaka Theatre Club iyo inova yaita kuti tisvike pakuparura mutambo wedu unonzi Harsh Realities,” vanodaro.

Mai Tayimo vanoenderera mberi vachiti, “Mutambo uyu unoratidza zviri kuitika muraramo yeveruzhinji zvakare nekudzidzisa tsika nemagariro evanhu vatema.

Unoburitsa nyaya dzinosanganisira kushandiswa kwemishonga nezvinoitika mumweya zvisingakwanise kuonekwa nemeso kana kubatika.”

Vanotizve mutambo uyu unoburitsawo kukosha kwavanatete mutsika nemagariro echivanhu kuburikidza nekudzidzisa vanasikana zvakadai sekuchengetedza humhandara.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaNoel Marerwa avo vakabika nekutsikisa mutambo uyu vachiti vana vane matarenda akasiyana vanofanirwa kusimudzirwa sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva maari.

“Matarenda anopa chouviri mune remangwana nekudaro takaona zvakakosha kuti vana vechikoro vane zvipo zvivandudzwe,” vanodaro VaMarerwa.

Lisa Soda (17) uyo anodzidza paSt Johns Chikwakwa – uye akataura akamirira vamwe vana vari muchikwata chakaita mutambo uyu – anoti zvemitambo zvagara zviri muropa rake.

“Bhuku ngarive shamwari kumwana wechikoro, kuvana vasikana ngativerengei mabhuku nekuti ndimo mune nhaka yakakosha uye isingapere,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *