‘Sunungukira kuzvipatara’ l Vamwe vananyamukuta vemudzimba vane njodzi

Muchaneta Chimuka naMalven Mugadzikwa
MUKURU anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti vananyamukuta vakawanda vanoshandira mudzimba havana kudzidzira basa iri izvo zvine njodzi huru yekukonzera ndufu kumadzimai anenge achisunungutswa kana vana vanoberekwa.

“Bazi redu rine kurudziro yekuti madzimai asunungutsirwe muzvipatara sezvo kunananyamukuta vemudzimba kuine njodzi huru yekuti munhukadzi akasangana nedambudziko vanogona kuzotadza kurigadzirisa nenguva sezvo vasina ruzivo pamwe nezvekushandisa.

“Kuzvipatara kwakanakira kuti kune zvose zvinobatsira pakusunungutswa kwemunhu. Rimwe dambudziko riri pakuti vazhinji vacho havana hunyanzvi uye havana kudzidzira basa iri. Izvi ndizvo zvinozoita kuti huwandu hwevanhu vanofa vachisunungukira kudzimba huti wandei.

“Vamwe vacho vanozowana zvirwere kubva mukusunungutswa imomo nekuti dzimwe nguva panenge pasina hutsanana hwakakwana pavanosunungukira pacho,” vanodaro.

Mugore ra2012, Hurumende yakaparura chirongwa chehomwe yekutsigira nyaya dzezveutano, cheHealth Transition Fund, icho chiri kuyamura madzimai akazvitakura nevana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa chichiita kuti varapwe muzvipatara pachena.

HTF ihomwe inobva kuvatsigiri vakasiyana iyo iri kubatsira mukusimudzira nyaya dzeutano, kudzidziswa kwevarapi nekutenga mishonga yakakosha yemuzvipatara.

Gore rapera, homwe iyi yaive neUS$158 bhiriyoni yepasi rose.

Ongororo yakaitwa neMultiple Indicator Clusture Survey muna 2014 inoratidza kuti vana vanofa mushure mekuzvarwa vanosvika 25 pa1 000 vanozvarwa vari vapenyu.

Zvakadai, kune vananyamukuta vemudzimba vanodzidziswa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti vange vachibatsira mukusunungutsa madzimai mudzimba kana pachinge pachidiwa rubatsiro rwavo rwechimbi-chimbi.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation makore adarika inoratidza kuti pasi rose, panodiwa vananyamukuta 4,2 miriyoni apo 1,5 miriyoni vavo vachidiwa munyika dziri muAfrica.

Vananyamukuta vakakosha sezvo vachideredza mitoro kuvarapi nemachiremba muzvipatara.

Vananyamukuta avo vakafundira basa vanoonekwa nemagwaro avanopihwa nevebadzi rezveutano nekurerwa kwevana uye vanopfeka mayunifomu ebasa.

Vane zvakare ruzivo nemachengeterwo evana, kuyamwisa, kurera mhuri nekuvhenekwa kwegomarara rechibereko. Zvisinei, kune dzimwe ndufu dzemadzimai nevana dziri kuitika apo madzimai anosunungutswa mudzimba pasi petsika dzechivanhu kana kuti mumakereke vachizoregedza kuenda kuzvipatara zvachose nekuda kwekudzvanyirirwa kwekodzero dzavo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×