Hurema handi kukundikana l Mudzidzisi asina zvigunwe anoita zvishamiso

VaWidrick Mandaza vachinyora
VaWidrick Mandaza vachinyora

CHIREVO chinoti hurema hazvirevi kukundikana chinozadziswa nemumwe mudzidzisi wechirume uyo, zvisinei nekuti akaremara mawoko ose, ari kubudirira muzvinangwa nemubasa rake.

Mudzidzisi uyu anobudirira mubasa rake zvisinei nekuti haana zvigunwe kumawoko ake ose.

Anoti dzidzo yakakosha muupenyu hwemunhu uye kuremara mitezo hakutadzise kubudirira, chinodiwa bedzi chido nerutsigiro ruzere.

Muhurukuro naVaWidrick Mandaza (52), vanoti vakadzidza neshungu kusvikira vaita kosi yehudzidzisi nedonzvo rekuda kuratidza veruzhinji kuti munhu akaremara mitezo anokwanisa kutodarika zvinoitwa neavo vasina kuremara.

VaMandaza vanotsanangura kurasikirwa kwavakaitwa nezvigunwe zvavo vachiri mudiki: “Ndakatsvedza pandaive kumba ndikawira mugomba remarara maiva nemoto ndiine makore matatu. Ndakashaya akandibatsira, amai vangu ndivo vakazosvika kubva kumunda asi ndakanga ndatokuvara kare.

“Ndakamhanyiswa kuchipatara cheMurehwa General Hospital naamai vangu, Annastia Mandaza, ndokunzi nemachiremba ndakange ndanyanya kukuvara. Saka ndakazoendeswa kuHarare (Central) Hospital, ndiko kwandakazorapwa ndikagara muchipatara kwegore kusvika ndaita zvakanaka.”

VaMandaza vanoti vakazoendeswa kuJairosi Jiri Rehabilitation Centre kwemwedzi mitanhatu, uko vakarodzeka pfungwa pamwe nekutambira hurema hwavakange vave nahwo.

“Nguva yandaiva kuJairosi Jiri, ndakadzidza zvakawanda zvinova zvakandisimudzira kusanganisira kunyora ndisina zvigunwe, kugeza, kudya nezvimwe. Izvi zvakaita kuti ndisaona musiyano wangu nevamwe vaiva vasina kana kuremara.”

Vanoti vakazodzidza kusvika Grade 7 vari kumusha kwavo kwaMurehwa ndokuzoenda kusekondari paZengeza High 1, kuChitungwiza, uko vakanyora Form 4 ndokubudirira.

“Ndakaita pfungwa dzekuenda kukoreji. Basa randaida nderekuita mutori wenhau asi zvaiva pamoyo zvakare kuva gweta. Zvisinei, ndakazotora kosi yekudzidzisa paGweru Teachers College nedonzvo rekuda kuratidza vanhu kuti kana wakaremara hazvirevi kuti hauna ruzivo,” vanodaro VaMandaza.

Vanoti mushure mekupedza kosi, vakadzidzisa paBenard Mzeki College kuMarondera zvidzidzo zvinoti English Literature, English Language neHistory kwemakore 20.

“Iye zvino ndava kudzidzisa paMagaya Secondary School, iri kwaMurehwa. Ndinodzidzisa English uye ndiri head of department of languages pachikoro ichi. Handina mwana wandinodzidzisa achifoira,” vanodaro.

“Ndinoshanda zvakare nesanagano rakazvimirira reCheshire Disability Trust apo tinofamba mumaruwa tichibatsira vakaremara mune zvakasiyana nekutiwo vatambire zvavari pamwe nekuti nharaunda ivabate zvakanaka.”

Mudzidzisi uyu anoti akazowedzera dzidzo yake ndokuita Degree in English and Communication neZimbabwe Open University (ZOU).

“Gore rino ndinoda kutanga Masters Degree in Inclusive Education. Donzvo rangu nderekuti vanhu vazive kuti kuremara hazvirevi kuti haukwanise kuita zvinoitwa neavo vasina.

“Vana vepachikoro pandinodzidzisa vainetseka mazuva ekutanga, vaifunga kuti ndine anondibatsira kunyora, kudzidzisa kana kumaka mabhuku avo asi kwete. Pavakaona ndave kunyora vakashamisika nazvo uye vamwe vakabatikana zvekuti vose vandinodzidzisa vanoterera zvakanyanya.

“Ndinoti pamberi nedzidzo munyika! Shungu dzangu ndedzekuvakisa chikoro chevakaremara,” vanodaro VaMandaza.

Vakaratidza vatori venhau mashandisiro avanoita mawoko avo asina zvigunwe mumabasa akaita sekunyora apo vakanyora nechiRungu kuti, “Treat people like what they ought to be and . . . Disability is not inability” ndokusaina zita ravo nezuva ravakanyora.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×