‘Susukidzai dzidzo inounza pundutso’

MUTUNGAMIRI wenyika, President Mugabe, vanoti vechidiki vanofanira kushingirira munyaya dzefundo kuitira kuti vakwanise kuva nepundutso muupenyu.

Vachitaura muHarare svondo rapera kugungano rezviuru nezviuru zvevatsigiri vebato reZanu-PF zvaive zvaungana kutsigira hutungamiriri hwavo, President Mugabe vanoti zvakakosha kuti vechidiki vadzidze kuitira kuti vakwanise kuzvishandira.

Gungano iri, rinodaidzwa kuti Million Man March, rakarongwa nechikamu chevechidiki mubato riri kutonga reZanu-PF.

“Tinoda kuonawo vechidiki vaine mabasa, tinoda zvakare kuona vechidiki vachizvishandira. Vechidiki vanofanira kuve nezvavanoita zvinovabatsira, nekudaro tinoda kuti vechidiki vadzidze.

“Hongu, tose hatingafunde zvekuwana madhigirii, asi vana vose vanofanira kushingairira kudzidza kusvikawo padanho reO-Level. NeO-Level, unokwanisa kutsvaga zvekuita zvinokubatsira woga.

“Asi tine zvikoro zvepamusoro (makoreji nemayunivhesiti) uko vechidiki vanokwanisa kudzidziswa kuti vave nezvavanokwanisa kuita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti kune vamwe vanhu vane zvipo zvavakazvarwa vainazvo izvo zvinofanira kuvandudzwa kuburikidza nedzidzo.

“Vanoveza, kusona nekuruka. Zvakanaka zvakadaro, iyi ndiyo nzira inofanirwa kuteverwa. Ndiko kunonzi kuzvishandira.

“Kana uchizvishandira, unokura paduku nepaduku, wopinza munhu mumwe basa voramba vachiwanda kuita vatatu kana vana, wozopedzisira wave nebhizimisi rako, kambani yako duku. Ndizvo zvatinoda kuona,” vanodaro President Mugabe.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×