Swanson odzvokora mukombe wechishanu

SHASHA yekutirena mabhiza anokwikwidza mumijaho yakasiyana, Kirk Swanson, anoti ari kugadzirira zvakasimba kuti bhiza rake — Mighty Sha — rigohwina mumakwikwi eCastle Tankard gore rino.

Mujaho weCastle Tankard, uyo unove mumwe une mukurumbira muZimbabwe, uchaitwa musi waChivabvu 16 apo mabhiza anosvika 15 ari kutariswa kukwikwidza.

Swanson, kubva paatanga kutirena mabhiza, akwanisa kuhwina mujaho uyu kana uye ndiye ega ahwina kakawanda kudarika vamwe.

Shasha iyi yakahwina Castle Tankard Horse Race mumakore anoti 2004, 2005, 2006 ne2007.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino paMashonaland Turf Club muHarare apo paiitwa Final Acceptance yeCastle Tankard 2015, Swanson, anoti kubva mugore ra2007 paakapedzisira kuhwina mujaho uyu ari kuedza nepaanogona kukunda kechisanu asi zviri kukona n’anga murapwa achida.

Swanson anoti anoda kuve wekutanga kutirena mabhiza achihwina Castle Tankard kashanu.

Gore radarika, muchinda uyu aive nemabhiza matatu akakwikwidza mumujaho uyu asi ose akakundikana kuhwina.

Zvakadaro, gore rino ane bhiza rimwe chete iro raanotarisira kuti rinogona kusimudza mukombe.

“Handinyepe ndiri kuda chaizvo kuhwina mujaho uyu kechishanu ndoita wekutanga kurairidza mabhiza mashanu anosimudza mukombe weCastle Tankard.

“Inhorowondo inodadisa zvikuru, makore adarika ndange ndichikundikana asi ndinovimba kuti gore rino bhiza rangu richatora mukombe.

“Hazvisi nyore ndozviziva hangu nekuti pane mamwe mabhiza akawanda achamhanya gore rino ane mukurumbira asi ndinovimba kuti ndichatora mukombe uyu.

“Mabhiza angu akandakahwina nawo kare mamwe acho akachembera saka Mighty Sha iri richabata basa sebasa,” akadaro Swanson.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *