‘tagadzirira kunovhota’

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vemazera akasiyana vanoti vagadzirira kuvhota murunyararo musarudzo dzenyika idzo dzichaitwa nemusi weMuvhuro 30 Chikunguru.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevanhu vakasiyana avo vanoti vari kufara zvikuru kuwaniswa mukana wekunovhota musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, nhengo dzedare reParamende pamwe chete nemakanzura.

“Tiri kunovhota murunyararo. Kunyangwe imi vatori venhau, muri kubatsira munyaya dzekukurudzira runyararo zvichitevera mashoko anoshambadzwa mumapepanhau nemunhepfenyuro.

Mai Stella Vhiyazhi

“Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vari kuramba vachiudza vanhu kuti mhirizhonga haina chimuko, ivo vanhu vachibva vangotevedzawo mashoko avo,” vanodaro Mai Stella Vhiyazhi (45) vekuEpworth, muHarare.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Maggie Enock (51) vekuEpworth kwakare vachiti runyararo rwakakosha.

“Kwangosara mazuva mashomanana kuti tipinde musarudzo, apo nyika yakagadzikana. Zvatosiyana nemamwe makore apo mungadai munyika muine jambanja,” vanodaro.

Angella Kanyoka

Tafadzwa Chiunda (29) wemuHarare anoti munyika mune runyararo chinova chinhu chinokudzwa zvikuru panguva yekuitwa kwesarudzo.

Kuchiti Angella Kanyoka (43) anoti zvinofadza kuona munyika muine runyararo kana zvichienzaniswa nemakore adarika apo paiitwa mhirizhonga.

Tafadzwa Chiunda

Zvisinei, vamwe ndivo vaitya kudura mazita avo pamwe nekutorwa mifananidzo asi vachiti vagadzirira kuenda kunovhota musarudzo idzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *