‘Taichaya mapoto bedzi, uri pfambi’

Yvonne Chipato
CHIREVO chinoti, “Chaikuda kana chokusema zvinenge zvine chinoingira” yakazadziswa nenyaya yemumwe mudzimai uyo akafumurwa nemurume wake kuti akange asina kumuroora uye yaive pfambi yemakoko mushure mekunge vaendesana kudare.

Maria Kimu akamhan’arira White Bamusi kuHarare Civil Court.

“Changamire, baba ava vanondirova nekundishungurudza, havana rudo neni semudzimai wavo. Panguva yandairwara vakandidzinga paimba yedu yewanano vachiti ndiende kunorapwa kuvabereki vangu. Ndakaita mwedzi yakawanda ndisingakwanise kudya kana kufamba asi havana kana zuva rimwe chete ravakambouya kuzondiona.

“Zvino iye zvino ndava kunzwa zviri nani ave kundirambidza kuti ndidzokere kumba kwangu ndinochengeta vana vedu. Ndava nemakore akawanda ndichigara nababa ava semurume nemukadzi asi nhasi vave kunditi ndiri pfambi, ndaingobika mapoto chete sezvo vasina kundiroora. Handizive kuti anganditi pfambi nhasi isu tave kutotarisirawo kuve nemukuwasha sezvo dangwe redu rave nemakore 23 okuberekwa” akadaro Kimu.

Bamusi akati Kimu akange asiri mukadzi wake asi kuti ipfambi yemakore.

“Amai ava havasi mukadzi wangu nekuti handina kumuroora. Ipfambi zvayo yakabika mapoto kwemakore akawanda, handichamude zvakare handidi kuti adzoke pamba pangu. Vana vangu ndinogara navo ndega ndinokwanisa kuvachengeta pasina rubatsiro rwake. Handidi hangu kuti agare navo nekuti anozovadzidzisa mafambiro asina kunaka.

“Ndakanzwa nevamwe vanhu kuti atove nechikomba chaava kufambidzana nacho saka ndiri kutoshamisika kuti anoda kudzoka kuzogara pamba pangu sei. Ini ndatove nemumwe mudzimai ane hunhu hwakanaka wandinoda kuroora ” akadaro Bamusi.

Mutongi Tatenda Manhanzva akapa gwaro redziviriro kuna Kimu akati Bamusi asamushungurudze kana kumudzinga pamba.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×