Varairidzi vemuzvikoro voita zvidzidzo zvekorfball

SANGANO reZimbabwe Korfball Federation svondo rino richabatana nereNational Association of School Heads mukuita zvidzidzo zveNASH Korfball Level One Coaching Course paQueen Elizabeth, muHarare.
Zvidzidzo izvi zvichatanga musi weChina zvichizopera neMugovera. Sachigaro weZimbabwe Korfball Federation, Tarirai Chadebah, uyo achange achitungamira zvidzidzo izvi, akati zvakakosha chaizvo kuti varairidzi vemuzvikoro zvakasiyana vauye kuzoita zvidzidzo izvi sezvo zvichibatsira mukusimudzira mutambo uyu.

“Tave kuda kuti murairidzi wese wemutambo uyu ange ane achitupa cheNASH Korfball Level One saka tave kutanga kuita zvidzidzo zveLevel One coaching course.

“Tiri kukoshesa mutambo uyu zvakasimba uye tinoda kuti vatambi vese — vana vezvikoro pamwe nezvikwata zvakasiyana — vadzidziswe nevarairidzi vane ruzivo nemagwaro akakwana.

“Aka kachange kari kekutanga kuita zvidzidzo izvi kubva apo mutambo uyu pawakatangwa muno saka isu tinoziva kukosha kwezvidzidzo izvi mukubatsira kukura kwemutambo uyu,” akadaro Chadebah.

Akawedzera kuti zvidzidzo izvi vari kuzvitangira muHarare uye munguva iri kutevera zvichapambira kumapurovhinzi akasiyana.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×