‘Taiva vakadzi vezvikwambo’

Mollen Kamoto
Mollen Kamoto

VAKADZI vatatu vekuEpworth, muHarare, vari kupupura kuti vaiitwa madzimai pamadiro nezvikwambo kwemakore akawanda izvo zvakavatadzisa kuroorwa.

Juliana Banga (34) wepanhamba 2815 Chinamamno Extension, Mollen Kamoto (25) wepa2798 Garan’anga naFrancisca Shumba (30) uyo anogara pamba pamwe chete naKamoto, vose vanoti vakagara makore akawanda “varume” vavo zviri zvikwambo izvo zvaiita “pati” navo sevakadzi.

Juliana anotsanangura nezve“murume” wake chikwambo icho akakura chichimuita mudzimai:

“Ndakakura ndichitambura zvekutadza kuenda kuchikoro sezvo vabereki vangu vaishaya mari. Ndakatanga kushanda mumba ndiine makore 14 okuberekwa kuWoodville, kuBulawayo.

“Munguva yandaishanda iyi, ndakatanga kungonzwa kupera simba, paine zvinhu zvaindiremera uye muviri wangu wakaneta. Ndainyatsonzwa kuti ndine zimweya rakandigara apo ndakatanga kurota ndichiona mufananidzo wemunhurume aindivinga ndirere kudaro.

“Ndaibatwa nemadzikirira murume uyu achiita madiro neni ndichitadza kurwisa. Kuda kuti ndimuke kana kushevedzera zvairamba. Chimwe chaindinetsa idambudziko remusoro wakandirwadza kwemakore akawanda.”

Anoti panguva yaainzwa madzikirira aya, aizopepuka akaneta zvikuru uye kusikarudzi yake kuine “zvinhu”.

“Mumusha medu mandakakurira maiitwa zvechivanhu, taitemwa nyora kubva ndiri mudiki.

“Pavarume vose vandakadanana navo kwemakore manomwe andakasangana nedambudziko rekuitwa mukadzi nezvikwambo, ndakanga ndisingapedze mwedzi miviri nemurume mumwe chete. Ndaingosviba moyo uye dzimwe nguva varume vacho ndivo vaingondisiya,” anodaro Juliana.

Anoti akarambwa nemurume wekutanga kumuroora sebhaisikopo chairo.

“Ndakaita kunge ndichapedza maporofita nekuda kwedambudziko rangu ndichitsvaga kubatsirwa.

‘‘Izvi zvakandiita kuti ndigume ndanopotera kuimwe chechi iri kuOverspill, kuEpworth.

“Ndipo pandakazoziva kuti ndine bhande renyora muchiuno, pakati pezvidya nekumusana izvo zvaikonzera dambudziko rekuitwa mukadzi nezvikwambo,” anotsanangudza Juliana.

Anoti akazoenda kumusha kwavo uko akanotaurira amai vake, Mai Ellen Machongwe, zvose nababa vake VaBanga Tirivavi nezvedambudziko rake iri.

Juliana anoti akatsanangurira vabereki vake nezvechimiro chemurume waaiona paanenge akabatwa nemadzikirira ndokubva baba vake vati ndibabamukuru vake vakashaya.

“Baba vangu vakangonditi enda hako unotsvaga rubatsiro zvinokodzerana newe izvo zvandakaita. Ndakaparwa nyora nekugezwa nemvura kuchechi,” anodaro.

Anoti pari zvino dambudziko rekuitwa mukadzi nechikwambo iri rakapera uye iye zvino akaroorwa zvekuti atova nevana vaviri.

Kamoto anotiwo akaoneswa pfumvu achiitwa mukadzi wezvichikwambo.

“Ndakaitwa mukadzi wezvikwambo kwemakore mana, kubva gore ra2010 kusvika 2014. Ndaishandiswa panguva yehusiku ndirere. Ndainzwa ndichishinha nemunhurume husiku hwega-hwega,” anodaro Kamoto.

“Ndakafamba mun’anga ndichipihwa mvura ine matumbu ehuku zvakasangana nemishonga asi hapana chakabuda, zvaitowedzwera.”

Kamoto anoti akazoenda kuchechi yakabatsirwa Juliana apo dambudziko rake rainge ramuonesa moto.

“Kuchechi uku ndiko kwandakaporofitwa kuti pane hama yababa vangu inondishandisa. Mushure mekubatsirwa, ndakatoroorwa uye ndava nevana,” anodaro Kamoto.

Achipawo divi rake, Shumba anoti akaitwa mukadzi nezvikwambo kwemakore anodarika gumi.

Anoti akakura achigara nevabereki vake apo amai vake vainge vachiri vapenyu.

“Takakura tichitemerwa nyora. Nekusaziva, ndaingoti ndiko kurarama kwacho.

‘‘Ndairota kamunhu kapfupi kachiuya kuhope ndakarara kachindiita mukadzi. Pandaizomuka ndaitoona kuti kainge kapedza neni.

“Ndaiva munhu ane hasha ndisingade kuona vanhurume. Ndaitoona ropa ndisati ndataura nemunhurume uye ndaiva nesimba rakawandisa ndisingatangike zvinova zvaiita kuti varume vanditye.”

Shumba anoti pane hama yake yepedyo yaimupikira kuti haafe akaroorwa.

“Ndakarorwa kaviri asi zvikaramba. Varume vakatiza nekuda kwehasha dzandaiva nadzo,” anodaro.

Vakadzi ava havana kugona kutsanangudza kuti sei vose vainetswa nezvikwambo asi ivo vasina hukama.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *