MAZUVA ano nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuwanda zvikuru zvisinei nekuti kune mitemo yekurwisa mhirizhonga dzerudzi urwu. Nyaya dzakadai dziri kugara dzichibuda mungave mumapepanhau kana panhepfenyuro. Zvimwewo zvinofambisa mashoko nekukasika seWhatsApp, Facebook neTwitter zvava kuzivikanwa nekuparadzira mashoko emhirizhonga dzerudzi urwu.
Zvikonzero zvemhirizhonga yemudzimba zvakasiyana uye zvinosanganisira kusavimbika muwanano nekunetserana nyaya dzemari, pakati pezvimwe.
Mhirizhonga idzi dzimwe nguva dzinosvika pakaipa apo mumwe anogona kutopondwa chaiko. Dziriko nyaya dzakadaro!
Muenzaniso ndewe imwe nyaya yatinayo svondo rino, yemurume wechidiki wekuChitungwiza uyo anonzi akaponda mudzimai wake iye ndokuzozviuraya nekunwa muchetura.
Mukubuda kwenyaya iyi zvinonzi murume uyu, uyo aive nemakore 30 okuberekwa, akanetsana nemukadzi wake aive nemakore 23 ekuzvarwa pamusoro penyaya yekuti mudzimai uyu aida kunoshandira kuSouth Africa.
Murume uyu anonzi aisaida kuti mudzimai wake anoshanda kunyika iyi uye akasvika pakubvarura pasipoti yake pakunetsana uku.
Mumhirizhonga yakazoitika iyi, murume uyu anonzi akaponda mukadzi wake nekumurova nesimbi pamwe nekumubaya nebanga, iye ndokuzodhudhudzira kunwa chepfu.
Vaviri ava vasiya mwana ane makore mana ekuberekwa. Chipwere ichi chatova nhererera nekuda kwenyaya dzemhirizhonga.
Murume uyu anonzi paakaponda mudzimai wake, akaenda kuchikoro kunodzidza mwana uyu asi akamushaya uye hapana anoziva chikonzero chakaita kuti aendeko.
Kune vamwe vanogona kuuraya nevana vose munyaya dzemhirizhonga dzakadai zvinova zvinosuwisa zvikuru. Vana havana mhosva yavanenge vakapara.
Zvakadaro, firo yemurume nemukadzi uyu inorwadza zvikuru nekuti rufu urwu rwaikwanisika kunge rwakadziviswa.
Mwana wavakasiya uyu achagara achishungurudzika kweupenyu hwake hwose kana akazoziva mafiro akaita vabereki vake.
Nyaya iyi tinovimba chidzidzo chikuru kune veruzhinji kuti mhirizhonga haina zvainobatsira asi kuti inotowedzera matambudziko gumi pazana.
Tinodaro nekuti kunyangwe parufu rwemukadzi uyu raingove zhowe-zhowe apo madzitezvara nevakuwasha vaive vakatsvukisirana maziso nenyaya yepfuma yeroora.
Mhirizhonga yemudzimba haina kunaka uye kunze kwekukonzera rufu, kune vamwe vari kusara varemadzwa.
Pamusoro pezvo, mhirizhonga inokanganisa upenyu hwevana zvikuru zvekuti kana nekuchikoro chaiko vanopedzisira vasisafunde zvakanaka.
Zvakakosha kuti mukadzi nemurume vari muwanano kana vachinge vatadza kunzwisisana vatsvage vanovayananisa. Vayananisi ava vanogona kunge vari mapurisa, vafundisi, madzishe kana vamwe vatungamiri vemunharaunda vakaita semasabhuku.
Kana kuti kumapurisa, kunotova nechikamu chinoita basa rekuyananisa vanhu vanenge vachinetsana.
Semaonero edu, kana murume nemukadzi vakayayaniswa asi mhirizhonga ikaramba ichienderera mberi zviri nani zvavo kuti vagure muchato kunyangwe zvazvo tisingakurudzire kuti vanhu varambane.
Tinodaro nekuti kazhinji wanano ikaramba inogara ichingova nemhirizhonga mukati mhedzisiro yacho ichizova rufu.
Upenyu hwakakosha saka hunofanira kuchengetedzwa.
Kana zvemba zvanetsa, madii masiyana pane kupondana?



