Tamirira maOlympics: Muzongondi

KAPUTENI wechikwata chenhabvu chemadzimai chemaMighty Warriors, Felistas Muzongondi, anoti ane chivimbo chekuti vachakatyamadza pasi rose apo vakakunda zvikwata zviri muboka ravo kumitambo yemaOlympics iyo ichatambirwa kuRio deJaneiro kuBrazil muna Nyamavhuvhu.

MaMighty Warriors ari muboka rine zvikwata zvinoti Canada, Australia neGermany izvo zvinove shasha mumutambo uyu. Asi Muzongondi anoti maMighty Warriors haasi kumbotya zvikwata zviri muboka ravo nekuti danho ravasvika rinotaridza kuti vave nyanzviwo mumutambo uyu.

“Hatinganyepe, kutarisa wega boka redu unogona kuvhunduka nekuti zvikwata zvatakapihwa zvihombe asi isu hatisi kutya uye tichazvirakidza kuti tave vahombewo munhabvu.

“Tiri muboka rakanakisa chaizvo, tinovimba kuti tichatamba nhabvu inonakidza zvikuru kumutambo uyu. Hatisi kuenda zvekungonzi taenda asi tiri kuenda kunohwina,” anodaro Muzongondi.

Parizvino maMighty Warriors akambobuda mukembi zvichitevera kutamba kwavakaita mutambo wehushamwari neSouth Africa musi wa15 Chivabvu uye anotarisira kuzodzokera munguva inotevera kuti achitanga gadziriro dzekuenda kuBrazil.

Vatambi vazhinji vari kuita gadziriro dzavo vari kuzvikwata zvavanotambira.

Muzongondi anoti chikwata chavo chiri kuda zvakanyanya kutamba mimwe mitambo yehushamwari yakawanda nezvikwata zvikuru segadziriro dzavo.

“Parizvino tiri kuita gadziro dzedu tiri kuzvikwata zvedu zvakasiyana takamirira kudzokera mukembi.

“Tiri kuda chaizvo mimwe mitambo yakawanda yehushamwari kuti tizvitarise matambiro edu tisati taenda kuBrazil,” anodaro Muzongondi.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×