Tapota chengetedzai vana venyu: Zimbabwe Republic Police

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti ari kushushikana zvikuru AnAenyaya dzenhubu dziri kuchera makuva vachitamba nezvitunha uyewo nevana vari kushaikwa, vozowanikwa vakafa, paine fungidziro huru yekuti vanenge vapondwa.

Mashoko aya akataurwa nemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner Paul Nyathi, zvichitevera nyaya mbiri dzekufukunurwa kwemakuva kuGlanville Cemetery, muHarare, neimwe yakaitika kuBende, Nyanga – mitumbi ikachekwa dzimwe nhengo munguva pfupi yadarika.

Pamusoro pezvo, kuEpworth, muHarare, kwakaonekwawo mutumbi wemwana waive wakadamburwa nemuchiuno kwozoti kuDziraresekwa Extension kukawanikwa mutumbi wemwana wakaiswa musaga.

“Mimwedzi miviri yadarika, kumakuva ekuMbudzi kwakacherwa makuva maviri evana, zvitunha zvikaburitswa zvikawanikwa zvakabviswa dzimwe nhengo. Kune nyaya ichangobva mukuitika svondo rakapera yechitunha chemwana akanga ava nemwedzi miviri nechidimbu avigwa icho chakafukunurwa chikawanikwa chakadamburwa musoro, makumbo nemawoko nevanhu vanofungidzirwa kuti vanoda kushandisa nhengo dzevana munyaya dzemishonga.

“Hatisati tave kuziva kuti nhengo idzi dziri kuendeswa kupi izvo tiri kuferefeta,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanokurudzira vemakanzuru ane nzvimbo dzinovigwa vafi kuti vasimbaradze kuchengetedzwa kwemarinda nemapurisa avo.

“Senzvimbo yekuGranville, ndeyekanzuru yeHarare avo vane mapurisa avo anorinda makuva aya. Tinoti ngavawedzere magadhi avo nzvimbo iyi ichengetedzeke,” vanodaro.

Mukati memakuva aya vanoti mune migwagwa inodarika nevanhu vachienda kwakasiyana izvo vanoti zvinofanirwa kucherechedzwa zvogadziriswa.

“Sezvo nyaya iyi iri kuferefetwa, tinokumbira kuti vanhu vane zvavanoziva vamhan’are kumapurisa, nhubu idzi dzisungwe nekuti vamwe vanhu havasisina kugadzikana nemamiriro emakuva arere hama dzavo,” vanodaro.

Vanoti pane imwewo nyaya yekufukunurwa kweguva ichiri kuongororwa nemapurisa inonzi yakaitika kwaMambo Saunyama, kuBende, kwaTangwena, kuNyanga.

“Tine imwe nyaya zvakare yatichiri kuferefeta yeguva rinonzi rakafukunurwa kuNyanga, zvizhinji munyaya iyi hatisati tava nazvo.

“Zvichitevera nyaya dzakadai idzi dzekufa kwevana nenzira dzisinganzwisisike, tinokurudzira vabereki kuchengetedza vana vavo. Zivai kuri kutambira vana venyu nevanhu vavanotamba navo uyewo vana ngavasabvuma kupihwa zvipo nevanhu vavasingazive. Vabereki mukaona vanhu vamusingazive munharanda dzenyu bvunzai,” vanodaro.

Zvichakadai, pakutanga kwegore rino, imwe mhuri yekuEpworth yakashaya zvachose mwana kasvava uyo anonzi akatorwa nemuenzi akangosvika pamba pavo kuchiti kwaMuda, kuBeatrice, mumwe mwana akanyangarikawo achitamba nevamwe uyo asati awanikwa kusvika nanhasi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×