Tasunga vanhu 100 000-ZRP

Victor Maphosa
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu vanodarika 100 000 nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nezvirongwa zvakananga kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere zvose zviri kunzi vanhu vaite kuitira kuti chirwere ichi chisanyanye kupararira munyika.

Mumasvondo mashoma adarika, vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa vari kuwanda, izvo zvave kuita kuti patyirwe kuti chirwere ichi chingangopararira nenyika chikaparadza upenyu hwevanhu vakawandisa.

Kusvika pakupera kwesvondo radarika, vanhu 1 420 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ivava, 438 vavo vakatonaya asi vamwe 24 vakafa.

Nemusi weChina bedzi, vanhu 273 vakabatwa chirwere ichi — 231 vavo vari vekudunhu reBulawayo. Musi iwoyu zvekare, vamwe varwere vatatu vakafa nedenda iri ikoko.

Nekuona kuti chirwere ichi chiri kupararira nekukasika munyika, Asst Comm Nyathi vari kukurudzira veruzhinji kuti vasatyore mitemo ine chekuita nekuderedza kupararira kweCovid-19.

Vanoti kubva patanga matanho ekuti vanhu vambogara kudzimba (lockdown), mapurisa asunga vanhu 101 845 nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nechirongwa ichi.

Mhosva idzi dzinosanganisira vanobatwa vasina kupfeka mamasiki, vanongofamba-famba neavo vanongoungana — vamwe vacho mudzimba.

“Mapurisa ari kunetsekana nehuwandu hwevanhu vari kusungwa mushure mekuwanikwa vasina kupfeka mamasiki, vanongofamba zvisina maturo nevamwe vanongoungana,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti nemusi weChina svondo rapera bedzi, vanhu 478 vakasungwa nemhosva dzekutyora mitemo iyi – 304 vavo vainge vasina kupfeka mamasiki.

“Mumisha inogara veruzhinji, mashabhini ari kuwanda nevamwewo vanongonwa doro seri kwedzimba,” vanodaro.

Vamwe vari kusungwa nemapurisa vanosanganisira vatyairi vemagonyeti, vemakombi asiri pasi peZUPCO nevamwewo vatyairi vanotakura vanhu zvisina mvumo.

Vazhinji vevasungwa ava vanobhadhariswa $500 pamunhu

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×