TETE: Amai ndiudzei baba

KUNA tete
Ndiri mukomana ane makore 21 okuberekwa. Ndinogara nevabereki nehanzvadzi mbiri.
Mwedzi mina yadarika ndakanzwa amai vangu vachitaura parunhare. Apa vaitaura maererano nokuti ini handisi mwana wababa vandiri kugara navo, uye ivo havazvizive.
Vanogara vachibvunzwa kuti ndiudze kunababa vemwana uyu aende kuvabereki vake.
Zvino amai havadi kubudira baba ava pachena nokuti vanotya kuti tinozodzingwa pamba. Zviri kundidya mwoyo kuti chii chiri kumboitika, ndashaya chokuita nezano rose handichina. Ndibatsireiwo tete.
Asi ini nababa tinowirirana, hapana chandinoona chisiricho, ndibatsirei tete.
Jonha.
Highfield, Harare.

MHINDURO
Muzukuru une dambudziko guru rawakatarisana naro.
Madzimai anozviita kupomera munhu mwana asiri wake, pada anenge aona kuti murume amuitisa pamuwiri haakodzeri osarudza anenge ari nani.
Iwe enda unoona madzisekuru hanzvadzi dzaamai vako, wogara navo pasi kuti vakubatsire kuti baba vako ungavavane sei.
Kukurira mumusha musiri mako zvine ngozi uye zvinorwadza. Ivo usataure navo, tanga wataura nanasekuru nekuti zvichida vangagumbuka.
Ikodzero yako kuziva baba vako.
Wotoshinga muzukuru nekuti hazvisi nyore.
Tete.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×