TETE: Mari yangu yemendenenzi iri kuitiswei?

KUNEMI tete
Ndiri murume ane makore 35 okuzvarwa. Dambudziko rangu rakamira kudai: Ndakanga ndakaroorana nemudzimai wangu makore maviri apfuura asi kuparadzana kwatakaita vana vanga vasati vakura, uye akaenda navo vari vatatu.
Ndinobatirwa mendenenzi yevana ivava vatatu, ndipo pandinonzwa kuti vana vangu havasi kuenda kuchikoro, vari kutofudziswa mombe. Ndakatumidzira runhare ndichiti ndimboonawo vana havabvumi, kwaanogara handikuzivi muno mudhorobha. Ndakatuma munun’una wangu kuti andoona kuti vana ava havasi kuenda kuchikoro here, akandoona chiri chokwadi.
Saka vana vangu voitawo here marombe ini ndichibatirwa mari? Kana ndatanga kutaura vana ndipo pavanoenda kuchikoro, ndashaya kuti ndoita sei.
G.N Magondo.
Mvurwi.

MHINDURO YATETE
Dambudziko rako muzukuru rinorwadza kana zvauri kutaura chiri chokwadi.
Tinenge tisingatarisire kuti vanhu vane mhuri vaparadzane, chiona zvave kuitika kuvana.
Asika iwe hauna kutaura kuti uri kubhadhara marii mendenenzi yacho, uri kungochema-chema kuti unzwirwe tsitsi, pamwe mari yacho haikwani chikafu nechikoro.
Vana ava vanoda kuenda kuchikoro vadya, vakapfekawo zvinodziya zvakachenawo.
Semuenzaniso, zvichida wakanzi $30 pamwana, inova mari shoma zvekusakwana yechikoro, inoperera mumafuta nehupfu.
Saka iwe sababa haufaniri kungoti mari iri kubhadharwa kumendenenzi vototi ndiyoyo, unofanirwa kuzotengawo zvimwe pamusoro.
Wamboti hauzive kune vana vako nemukadzi uyu asi pashure wazoti wakambotuma munin’ina wako ikoko.
Kupi kwacho iwe usingazive kwavari? Zvekare iwe rega kutuma munin’ina kuvana, enda wega unozvionera.
Wasvikako taurirana nemadzitezvara vako kuti pangaitwa sei, zvichida unogona kuisa mari yechikoro mubhanga rechikoro watowirirana nemutungamiri vechikoro, yemendenenzi yobatsira pachikafu nezvimwe. Hauna kutaura kuti wave nemumwe mukadzi here, zvichida waigona kukumbira vana vaende kuchikoro uinavo.
Kana zvaramba enda kumatare nekuti kutyora mutemo kusaendesa mwana kuchikoro. Uchipota uchitumirawo shangu, mbatya, mabhuku nezvimwe zvingada kushandiswa nevana nekuti dzimweni dzenguva mari yemendenenzi haikwane kuita zvose zvingadiwa.
Tete.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×