Ticha wekurova mwana akumbira ruregerero

Muchaneta Chimuka

TICHA wekuzvambaradza mwana weGrade 7 pachikoro cheFungisai Government Primary School, kuChitungwiza anonzi akazokumbira ruregerero zvikaita kuti vabereki vemwana uyu vabvise nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Onismus Chitebwe ndiye akarohwa nemurairidzi wake, akangozivikanwa nekunzi Sibanda, achipomerwa mhosva yekutaura mukirasi neyekusadarika mutsetse pakunyora rondedzero mubhuku.

Nyaya iyi yakasvitswa mumaoko emapurisa ndokuendeswa kumatare edzimhosva.

Zvisinei, amai vemwana uyu – Mai Monalisa Chitebwe (41) – vanoti vakazosarudza kuita hurukuro nemurairidzi uyu kunze kwedare (out of court settlement) nemusi wa31 Kurume apo nyaya iyi yaifanirwa kupinda mudare.

“Nyaya iya takazotaurirana kunze kwedare nokuti murairidzi akanga ava kuda kutondipa mari yandakarapisa mwana ndikavati regai henyu nokuti ndakangobhadhara $160 kuChitungwiza Central Hospital uye mapiritsi ekunyaradza marwadzo. Vamwe vanhu vari kufunga kuti ndakatengwa nemurairidzi uyu asi kwete, zvakabva mumwoyo wangu kuti ndiregerere mudzidzisi uyu. Ndakangoona kuti tiri vanhu tinotadzirana asi kana munhu akumbira ruregerero tinoregererana,” vanodaro.

Mwana uyu anoti akarohwa nefan belt kumagadziko kanokwana ka65 mumazuva maviri zvakaita kuti apedzisire ave kutadza kugara.
Vanhu vakawanda vakashoropodza zvikuru murairidzi uyu pamadandemutande anosanganisira Facebook neTwitter pakabuda nyaya iyi muKwayedza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×