Vatatu vasungirwa makadhi eCovid

Victor Maphosa

MAPURISA akasunga vanhu vatatu nemhosva yekutengesa makadhi emukoto anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira chirwere cheCovid-19 kune vanhu vasina kubaiwa pakiriniki yeSeke South Clinic iri kuChitungwiza.

Vakasungwa vashandi vaviri vepakiriniki iyi vanoti Sekai Gabriel anova pest controller naShorai Sithori anova mukoti uye wechitatu ndiLloyd Chidziva uyo anonzi ndiye aitsvaga vanhu vanoda kutenga makadhi emukoto aya nemari iri pakati peUS$25 neUS$50.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvekusungwa kwevatatu ava.

“Ndinotsinhira kuti mapurisa, achishanda nevechikamu cheSpecial Anti-Corruption Unit, vasunga Sekai Gabriel anova pest controller paSeke South Clinic, Shorai Sithori anove mukoti naLloyd Chidziva aimira sa’agent’ nemhosva yehuwori yekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni reCovid-19 kuvanhu vasina kubaiwa.

“Vose vari mumaoko emapurisa uye vachapinda mudare munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Izvi zvinotevera nyaya yakabudiswa neKwayedza yehuwori huri kuitwa nevanhu vari kutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kune vasina kubaiwa nenzira yemukoto.

Kwayedza yakatotengawo kadhi iri zvakare mushure mekubhadhara US$25 kune vamwe vashandi vepaSeke South Clinic svondo rapera apo yaiferefeta nyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×