Timbokurukura nezvechirwere chegurokuro

Muchaneta Chimuka —
CHIRWERE chegurokuro — goitre pachiRungu — chinotambudza zvikuru uye munhu anacho anoonekwa nekuzvimba pahuro pachiita zibundu.

Munhu ane chirwere ichi anokundikana kuburitsa izwi rake zvakanaka uye achitambura pakufema kana bundu iri rikaramba richikura. Chirwere chegurokuro chinokonzerwa nekushaikwa kwemunyu une iodine mumuviri iyo inofanira kunge ichiwanikwa muchikafu.

Dziviriro:

◆ Chirwere ichi chinodzivirirwa nekudya munyu une iodine.

◆ Munyu wose uri muzvitoro muZimbabwe une iodine uye ichi ndicho chikonzero chirwere ichi chiri chishoma munyika muno.

Marapirwo:

◆ Kana chirwere ichi chichinge chakomba apo bundu racho rinenge raomarara, rinenge rave kuda kuvhiiwa nemachiremba kuzvipatara.

◆ Gurokuro chirwere chisingatyise zvakanyanya, asi kusara kwekunge chasvika padanho rekukanganisa nzira dzinofambisa mweya wekufema kana kuti chaita gomarara.

◆ Kana murwere ane gurokuro ave kuonekwa achidedera zvakanyanya uye maziso achibuda kunze, inenge yave imwe mhando yedenda iri iyo inowanzowanikwa kune dzimwe nyika saka zvakakosha kukasika kunoona vanachiremba.

◆ Ruzivo urwu rwunobva muzvinyorwa zvesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, izvo zvinodaidzwa kuti “Utano Hwako, Upenyu Hwako”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *