CHITSAUKO 16 Ongororo: Enderero mberi
Kudimikira kunoshandiswa zvishoma. Pakauya ndongwe, dzakadya kanhu kose kakasvibirira mumunda wababa waVaChingweru mukasara musisina nekayi zvako izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “dzakasiya dzageza munda” (82). Panouya shoko rokuti imba yaMujubheki yainge yapera kuvakwa zvinorwadza VaChingweru chaizvo izvo zvinodimikirwa zvichinzi “vakabayiwa mwoyo” (82).
Pane tarisiro yekuti VaMushayazano vachaita zvakana, vopona kubva mumaronda ekutsva kwavakaita. Tinonzwa Mujubheki achiti, “Panongonaya baba chete ndipo panobva parongwa zvemuchato.”
Zvakaitwa nendongwe kumunda wababa waVaChingweru zvinonyatsobuda nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Ndongwe idzi padzakadya mumunda umu, makasara musisina kana nekai zvako izvo zvinonzi dzakasiya munda wachena “saparuware” (82).
Amai vakachema chaizvo pavakatondera izvi panguva iyi mwanasikana wavo avaudza kuti ava nepamuviri paTimoti. Zvinonzi pavakachema misodzi yavo yakaerera “sorwizi” (82). Amai vaMonika havanavo chavainacho. Mwanasikana wavo akaroorwa naMujubheki vane zvavachawanawo. Zvino mwana wavo zvaaramba kuroorwa naMujubheki ivo vari murombo zvimwe zvavaiti vachawana ndizvo zvinotanga kutsakatika. Saka vachizodoma tsumo inoti, “Chiri pamuchena chiri pamutenure” (82).
CHITSAUKO 17 (Nyaya yacho)
Monika anogamuchira tsamba yorunhare ine mashoko okuti Timoti ainge ashaya nezuro wacho. Mwana wemunhu musoro wake unotenderera munhu ndiye kupunzikira pasi. Mai vake semunhu asingagoni kuverenga havazivi kuti tsamba iyi yaive nemashoko ekuti kudini, ndokubva varidza mhere. VaMushayazano vari kutetereka nenyika iye zvino vaneta nekufamba vasisazivi chokuita. Dai painge pane aivabvunza kuti vakanga vabudirei muchipatara aigona kuvanzwa vachiti vatiza kuroyiwa, kuzobvunzazve kuti vaienda kupi aigona kuvanzwa vachiti vaienda kumwana wavo Tendai. Chavaiziva chete ndechekuti vaida kufamba vachienda zuva risati radoka.
Vachiri kuzorora kudaro vanotadza kuona zishiri rinosvikomhara pamuti waive pedyo navo rakavatarisa. Vanobva vatobatwa nehope.
Naison Gomo shamwari yaTimoti iri kutambudzika zvikuru nezvakaitika kushamwari yake. Anobva atumira shoko rorufu kuna mainini vaTimoti nekunaMonika. Shamwari yake iyi haina kumborwara zvakanyanya. Vachibva kwavana Monika pamusika manheru acho Timoti anochema achiti mudumbu make, Naison ndokumbofunga kuti zvichapera asi zvinoenderera mberi ndokubva atora tekisi yekumuendesa kuchipatara kuGomo.
Paanobvunza chiramba anoudzwa kuti pane chaakadya chine simba rekudya simbi, icho chakaoresa ura hwake. Vangomirira nguva chete, akasvika Chitatu ari mupenyu vanachiremba vongoti Mwari anaye. Naison anocherechedza kuti Timoti akanga apedzesera kudya nekunwa maheu aainge apihwa naamai vaMonika kwaMushayazano, musi waataura nachiremba uri Muvhuro. Paanodzokera nechipiri kunotarisa shamwari yake anoiwana ichitambudzika zvisina akamboona. Timoti anomuudza kuti haafungi kuti achararama. Maheu aakapihwa naamai vaMonika ndiwo akanga akashata. Pasawanikwe waanotaurira izvi.
Naison anozoonekana neshamwari yake achitambudzika zvikuru kuti amai vaMonika vaidireyi kuuraya Timoti. Mambakwedza eChitatu Timoti anobva afuga rake oga.
Paanosvika kumba anobva anhonga zvavakanga varongedzerwa kwavana Monika ndokunozvirasira kwairasirwa marara asina kuita hany’a yekutarisa kuti maive munei.
Mujubheki anosvika pavanaMonika ndokuwana amai vake vachikurunga usvusvu hwekupa mwana wavo.
Enderero mberi svondo rinouya.




