CHOKWADI nyika yasunama kana uchinzwa zviri kuitika mumamana unoti vachiri vanhu here ava kana kuti dzatove mhuka.
Mumwe mudzimai wekuChinhoyi anonzi akati ndotsiva kunyengerwa musikana kwaamboitwa nemurume wake naizvozvo murume aenda kunyika yeKuwaiti nebasa amai ava vakasara vakaridza yavo ngoma.
Freddy Dinhidza uyo akange ambonoita marimuka kuKuwaiti akaona chisionekwi kubva munharembhozha yavadzimai vake. Mudzimai wake, Hamunyari Dinhidza ainge azvitsvagira chikomba nekuda kwekutsivawo. Nyaya yakabuda pachena apo murume uyu akaenda kunomhan’ara kumapurisa ekuChinhoyi. Freddy aida kuti vagovane midziyo yemumba sezvo vainge vatosiyana nemudzimai nekuda kwenyaya yekuparikwa kwaanga aitwa.
Sekuziva kwedu, nhau dzekugovana midziyo yemumba hadzisi dzemapurisa ndedzematare edzimhosva.
Mapurisa akazivisa Freddy kuti anofanira kusimudzira rwendo rwake kumatare.
Zvinonzi chikomba chaHamunyari icho chinonzi Victor Chiremba chaitouya kumba chichizviti ihama asi iye achida kuwana hake nguva yekuonana nemudiwa wake.
Hamunyari haana kuramba kuti akanga apoya nekuti akati Freddy ndiye akange atanga kuita gumbo-mumba gumbo-panze naizvozvo iye akati aitsividza.
Ukowo Freddy haana kurambawo kuti ainge aine mudiwa weparutivi uyo anonzi Thembi Moyo asi aidya magaka mambishi achiti mudzimai wake haaifanira kudaro semunhu waakabvisira pfuma.
Freddy anoti, “Tisati taroorana Hamunyari aidanana naVictor vakazosiyana aona kuti ini ndiri pachokwadi kuda kumuroora. Takachata mugore ra2004 tikakomborerwa nevana vaviri. Ndakaona tsamba dzerudo pakati pavadzimai vangu naVictor mufoni yake ndikamubvunza akakumbira ruregerero achibva anyorera Victor kuti ngatiregedzei zvatiri kuita.
Chakandirwadza ndechekuti hanzvadzi dzemudzimai wangu, Nathan naJosphat, vaitomukurudzira kuita chipfambi nekuda kwekuti ini ndaigara pamba pavo. Hamunyari akati dzawira mutswanda apo ndainge ndaenda kuKuwaiti nebasa achiunza Victor mubhedhuru mangu pamubhedha pangu asi ini anondinyima bonde,” akadaro Freddy.
Freddy anoti semunhu aidawo bonde akazotsvaga kwekupedzera miseve.
Akatsvaga shamwarikadzi uye mukugumbuka akaudza Hamunyari kuti ainge oroora Thembi.
Hamunyari akanyorera Victor meseji panharembozha achiti vainge vatadza kuita zveupombwe. Akati ngazvichipera sezvo ainge achitonyora achishandisa foni yemurume wake Freddy.
Hamunyari anoti chakazomurwadza ndechekuti Freddy akadya US$1 000 yaakauya nayo kubva kuKuwaiti naThembi naizvozvo akati chainge chaipa chii iye Freddy ndiye akatanga kutamba wani ngoma iyoyi yaainge oti muririro wayo waipa nhasi.
Hamunyari anoti haasi kuzodzokerana naFreddy nekuti angazadzwe chirwere.
Hamunyari anototya utachiona hweHIV asi hauzivi kuti iye yavo ngoma yairira vakapfeka here kana kuti kwete.
Ukuwo Thembi anoti dzawira mutswanda kunhongera hadzichanetsi naizvozvo achange obikira Freddy rinopisa.
Haungatye dzvinyu iwe wakasungira nyoka muchiuno apa tinga yeuchidze vaviri ava.
Mapepanhau azere nyaya dzechipfambi chiri kuitwa pamafoni. Vamwe ndevanosvika pakutumirana mapikicha vari musvo asi vanhu ava vari amai nhingi nababa nhingi.
Chii chingafadze pakuti amai nhingi nababa nhingi vanotumirana mifananidzo yesikarudzi, aah uhu hwava humhuka chose munhu akapiwa simba rekufunga haadaro.
Sangano reNational AIDS Council rinoti wanano haisisiri dumba rekuhwanda kubva kuHIV nekuti mudzimba imomo HIV yobvira.
Sechiitiko chakadai hazvishamisi kuti wanano ndiyo yatungidza gwenya reutachiona hutsva hweHIV.
Mira nemudiwa mumwe chete, wosvipira mutsime nekuti waziva chibhorani.
Wenyu:[email protected]



