‘Tinoda kudzidziswa bumbiro remutemo’

Bulawayo Bureau

CHILD President Mukudzeishe Madzivire ari kukurudzira Hurumende kuti ikoshese kudzidziswa kwebumbiro remutemo reZimbabwe muzvikoro zvepuraimari nesekondari nechinangwa chekuti vana vayaruke vachiziva kodzero dzavo.

Madzivire akataura mashoko aya muhurukuro yaakaita neKwayedza achiti vana vazhinji havana ruzivo maringe nemitemo yenyika inova ine chekuita nekodzero dzavo.

Anoti chirongwa ichi chinozovabatsira kuti vazive nezvekodzero dzavo vowana chengetedzo.

“Vana vazhinji muZimbabwe havazive nezvekodzero dzavo zvekuti kana vakapihwa mibvunzo unotoona kuti vazhinji vavo vanorasika. Vabvunzei kuti chii chinonzi United Nations Convention on the Rights of the Child (UNCRC) unotoona kuti unenge wavavhiringidza.

“Tinoda kuti vana vazive nezvekodzero dzavo uye kuti vawanikwe mumakambeni ari maringe nenyaya idzi,” anodaro Madzivire.

Madzivire – uyo anodzidza pachikoro cheChristian Brothers’ College chiri kuBulawayo – anoti vana vanoda zvakare kudzidziswa pamusoro penyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze sezvo dziri kukanganisa nyika nekuda kwenzara.

Anoti izvi zvinobatsira kuti vana vapinde munyaya dzezvekurima.

“Zimbabwe itori muzvirongwa zviri maringe nekusanduka kwemamiriro ekunze zvichitevera ruzivo rwunobva kunyika dzakabudirira. Pasina ruzivo urwu, nyaya dzekurima dzinodzikira,” anodaro.

Zvakadaro, Madzivire anoti nhengo dzeJunior Parliament dzichaita makwikwi egakava ezvikoro zvepuraimari pamusoro penyaya dzinotambudza vana munguva pfupi inotevera.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *