Mhanzi ngaisimudzire nyika: Phiri

Abel Ndooka

PATIENCE Phiri anove muimbi wemusambo weMbaqanga anoti mhanzi inofanirwa kushandiswa sechombo chikuru chekukurudzira kubatana pamwechete nekushandira budiriro yenyika.

Phiri uyo anoshandisa zita rekuti Phakamisa munyaya dzemhanzi mumwe wevaimbi vashoma vemusambo weMbaqanga unonyanya kuimbwa kuSouth Africa nezvikwata zvakaita seSoul Brothers neMahotella Queens.

Anoti mhanzi yake ari kuishandisa kubatanidza vanhu achiparidza shoko rerudo uye kushanda pamwechete mukusimudzira nyika.

“Budiriro yedu tose senyika ndiyo budiriro yatinotarisira muhupenyu hwedu saka sevaimbi ngatizive zvatinoimba. Tinofanirwa kuvaka kwete kuparadza.

“Mbaqanga musambo wakanyorovera uye mhanzi yacho inodzidzisa,” anodaro Phiri.

Muimbi uyu kubva paatanga kuita zvemimhanzi, akwanisa kutsikisa madambarefu mana uye nguva pfupi yadarika akauya kuzogara kuHarare achibva kuBulawayo nechinangwa chekuda kuvaka zita rake kuti rigozivikanwa.

“Kwemakore mazhinji ndairidza magitare ndiri kuMatabeleland saka ndichangouya kuzogara muHarare, chinangwa changu chiri chekuti mhanzi ikure ndigozivikanwa nyika yese. Ini ndiri munhu anoda zverunyararo uye kubatana nerudo pakati pevanhu vatema saka ndichatenderera nyika yese ndichiparidza shoko iri,” anodaro.

Dzimwe dzenziyo dzaPhakamisa dzinosanganisira Mina ngiyavuma naUkadhakwa ndiyadakwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *