Tinoda kuti Cadetship irambe iriko: Gandawa

HURUMENDE yakazvipira kubatsira vana vanoshaya nemari yechikoro pasi pechirongwa cheCadetship, kunyangwe zvazvo pari zvino isiri kukwanisa kupa ruyamuro urwu nekuda kwematambudziko ari kusanganikwa nawo munyaya dzeupfumi.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reSenate nguva pfupi yadarika.

Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation kuMatabeleland North, Senator Hebert Madolo Sinampande.

Sen Sinampande vaida kuziva kuti Hurumende ichatanga rinhi kubatsira zvakare vadzidzi vanoshaya zvichitevera kumiswa kwakamboita chirongwa ichi.

Dr Gandawa vanoti Hurumende ine chishuwo chekuti vadzidzi vanobva kumhuri dzinotambura vabatsirwe mufundo yavo.

“Zvisinei, Hurumende yakambomisa chirongwa ichi nekuda kwematambudziko ekushomeka kwemari. Asi kana mamiriro ezvinhu akasanduka, tinotanga zvakare kubatsira vadzidzi ava avo pari zvino vatisiri kukwanisa kuyamura nemari yezvikwereti.

“Semaziviro amuri kuita, takatotanga kubatsira vamwe vashoma vatinokwanisa zvichienderana nemari inenge iripo,” vakadaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo, Dr Gandawa vanoti dambudziko rekushomeka kwepekugara kwevadzidzi mumayunivhesiti nemakoreji eHurumende iguru.

Vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation weMatabeleland South, Sen Bheki Sibanda, avo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukurerutsa dambudziko repekugara kwevadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti.

Dr Gandawa vanoti dambudziko iri rakatarisana nemayunivhesiti mazhinji.

Hurumende, vakadaro, ine hurongwa hwekuti itsvage rubatsiro kubva kune vemabhanga rwekuvaka dzimba dzevadzidzi dzekugara uye hurukuro idzi dzave padanho repamusoro.

“Pari zvino tiri kuita hurukuro nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) nebazi rehomwe yenyika kuitira kuti rendi yedzimba idzi isazodhurira vadzidzi.

Sen Sibanda vakabvunza zvakare kuti ichokwadi here kuti Hurumende ine pfungwa dzekuisa mibhedha yemudurikidzwa (bunk beds) kudzimba dzinogara vadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti.

Dr Gandawa vakaramba mashoko aya vachiti hapana hurongwa hwakadaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×