‘Tinoda kuvandudza upfumi hwenyika

Nduduzo Tshuma

MUSANGANO we18th Zanu-PF National People’s Conference wakatanga nemusi weChipiri chino kuGoromonzi, kuMashonaland East, nyaya huru iri yekuvandudza upfumi hwenyika.

Musangano uyu uri kupindwa nenhengo dzebato iri dzinosvika 7 000 kubva kumapurovhinzi 10 enyika nevamwe vanosanganisira vaenzi 2 000 vachabva kunze kwenyika.

Zanu-PF Secretary for Information and Publicity, Cde Simon Khaya Moyo, vanosimbisisa kuti musangano uyu uchakurukura pamwe nekutsvaga nzira dzekuvandudza upfumi hwenyika.

“Ndinoda kusimbisisa kuti musangano uyu uchange uchitarisa nyaya yekuvandudza upfumi hwenyika. Apa tinenge tichitarisa nyaya dzinosanganisira kuwanikwa kwechikafu chinokwanirana munyika, magariro evanhu akanaka pamwe nekurwisa hurombo, kusimudzirwa kwezvivakwa nekuvandudzwa kwezvigadzirwa zvakasiyana.

“Gurukota rebazi yezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube vanotarisirwa kutura mashoko ari pamusoro pemamiriro enyaya dzeupfumi munyika,” vanodaro Cde Khaya Moyo.

Zvichakadai, pave nebudiriro huru kubvira pakapinda Hurumende itsva iyo inosanganisira kutanga kushandiswa zvakare kwemari yemuZimbabwe zvichitevera kumbomiswa kwayo makore adarika.

Hurumende yakatora matanho zvakare ekuvandudza kambani yeZupco nechinangwa chekuti veruzhinji vasanetseke pakufamba nzendo.

Munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika pasi rose, Hurumende iri kukoshesa nyaya iyi izvo zviri kuona ichisimbisa hukama neEuropean Union, United Arab Emirates, Russia, Britain, China, Japan, Israel nedzimwe nyika.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *