‘Tinorwa’

Tafadzwa Mutsotso

MURUME nemudzimai avo vanoti upenyu hwavo ndehwekugara vachirwisana kubvira pavakaroorana, vakaendesana kudare redzimhosva. Rerero Zunga akamhan’arira Tawanda Mandinyenga kuHarare Civil Court achimupomera kugara achimurova nekumudzinga pamba.“Mambo wangu, ndibatsireiwo ndatambudzika, kumba uku hakuna zororo. Murume wangu haandiremekedze, upenyu hwangu huri panjodzi’’ akadaro Zunga.
Matinyenga akaudza dare kuti mudzimai wake haamutereri nekumuremekedza sababa vemba.
“Kurovana ndihwo hutori upenyu hwedu kubva zvatakaroorana nekuda kwepamuromo paainapo uye kusaterera,” akadaro Matinyenga. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Zunga gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *