Vamwene vanorova muroora

Tafadzwa Mutsotso

MUDZIMAI wekuDomboshava akamhan’arira mwanakomana wake nemuroora, uyo anotiwo anorohwa navamwene, kudare achivapomera mhosva yekumushungurudza.Josphine Hove akadhonzera Gift Runesu nemukadzi wake Rosemary Runesu kuHarare Civil Court achiti vanomutuka nemashoko anobaya moyo.

“Mwanakomana wangu uyu Gift anonditi ndiri muroyi. Anonditi ndini ndiri kurwarisa mwanasikana wake uyo ane dambudziko rekubudirwa uye mazamhu ake anorwadza. Vanonditi ndibve mubhuku ratinogara ndiende kure nehuroyi hwangu,” akadaro.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinorwadziwa nekuti ini handina huroyi. Dai ndaiuraya iye nemamwe madzikoma nehanzvadzi dzake vangadai vari vepenyu here? Haachatombondione saamai vake vakamukudza, anogarondituka uye anotoona muroyi chaiye kana akanditarisa.”

Hove akati muroora wake haamuone savamwene.

“Muroora wangu anondituka, haandiremekedzi. Pose pandinoti nditsiure vana vake kana vachiita misikanzwa, anondiudza kuti, ‘Muroyi siyana nevana vangu.’ Anokanganwa kuti vana ava vatoriwo vazukuru vangu,” akadaro Hove.

Zvisinei, Gift naRosemary vakapikisa mashoko aitaurwa naHove vachiti ndiye ane dambudziko.

“Handibvumirane nemashoko ari kutaurwa naamai zvakare handirambe kuti chikumbiro chavo chigamuchirwe nedare. Asi ivo ngavasiyewo tsika yekundituka vachinditi pfambi,” akadaro Rosemary.

Akati vamwene vake vanoda kuti adzokere kumusha kwake vachiti haana kukodzera kuita muroora wavo uye vakatombomurova.

“Zviri kutaurwa navamwene vangu zvekuti tinovakutsirana nemurume wangu tichivatandanisa pamba manyepo. Amai ndivo vaitoda kuti ndidzokere kumusha kwangu kwandakazvarwa vachinditi ndiri pfambi, handina kukodzera kuita mukadzi wemwana wavo. Vakatombondirova vakanditema nekapu. Sisi vangu ndivo vakatozondidzora vachiti hazviite kuti ndimhan’arire vamwene,” akadaro Rosemary. Mashoko ake akatsinhirwa naGift achiti haana kumbobvira atuka amai vake kana kuvadzinga pamba.

“Handina dambudziko nazvo chero chichemo chaamai chikagamuchirwa nekuti ini handina musi wandakambotukana navo kana wandakambovadzinga pamba. Amai ndivo vanotoshungurudza nemamwe matauriro avo, handizivi hangu pamwe ndizvo zvinoita kukura,” akadaro Gift.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Hove gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *