‘Tsaona dzapedza kuremadza vanhu’

Dr Gwinji
Dr Gwinji

Muchaneta Chimuka
TSAONA dzemumigwagwa ndidzo dziri kukonzera hurema hwakanyanya muvanhu kana zvichienzaniswa nehurema hwekuzvarwa nahwo kana kuti uhwo hunouya nekuda kwehurwere hwakasiyana. Vachitaura pazuva rekuparurwa kwegwaro rinotarisa raramo yevane hurema muguta reHarare nguva pfupi yadarika, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vakati zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe wemapoka akasiyana mukusimudzira budiriro yevakaremara.

“Kuwanda kwetsaona munyika kunoreva zvekare kuwanda kwevanhu vari kurarama nehurema zvisinei nekuti humwe hurema ndehwekuzvarwa nahwo kana kuti hunobva pahurwere kana kusawana kudya kunovaka muviri.

“Zvinoda mushandirapamwe wemapoka akasiyana mukutsigira zvirongwa zvebudiriro yevanhu vakaremara kuti vange vachirarama upenyu hunoendeka,” vakadaro Dr Gwinji.

Vanoti vanhu vanodarika 200 miriyoni vakaremara pasi rose vari kusangana nematambudziko akaita sekusamira zvakanaka kweutano, kusabudirira mudzidzo pamwe nekushungurudzwa nenzira dzakasiyana.

“Zvimwe zvezvinhu zviri kukundikana kuwaniswa kuvanhu vakaremara zvinosanganisira kushaiswa dzidzo inoendeka, mabasa akati tsvetere, mazwi avo haasi kunzwikwa kusvika kuzvidanho zvekumusoro uye kushaiswa kudya kunovaka muviri.

“Kuburikidza nekuparura kwataita gwaro iri, tiri kutarisira kuti basa richitotangisa kuitwa kuti zvichemo zvevanhu ava zvinge zvichigadziriswa uye Zimbabwe ndiyo nyika yekutanga pakati pedzimwe muAfrica kukumikidza mutemo unoona nezvevakaremara,” vakadaro Dr Gwinji.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weUnicef muZimbabwe, Dr Jane Muita, vakati veruzhinji vanofanira kubvisa mweya werusarura kune vakaremara.

“Tinoona kuti munharaunda dzatinogara vanhu vakaremara vanopihwa mazita ezvituko uye hapana ane shungu dzekuvabatsira zvinoita kuti varambe vari vanhu vepasi-pasi. Vana vakaremara havasi kuwanirwa nzvimbo muzvikoro zvizhinji zviri munyika nekuti zvinenge zvichiti hazvina midziyo yakakwana pamwe nevadzidzisi vanokwanisa kushandisa mitauro yemasaini nezvimwe. Izvi zvinoderedza zvekare dzidzo yavo,” vakadaro Dr Muita.

Vanhu vanorarama nehurema vanosanganisira vasingaoni, vasingakwanisi kutaura nekufamba, masope nevanorwara nepfungwa.
Gwaro iri rakavepo kuburikidza nemushandirapamwe pakati peHurumende neUnicef.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×