Tsigirai indasitiri yemuno: gmaz

Muchaneta Chimuka
SANGANO reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ) rakaendesa magwaro echikumbiro kuHurumende kuti imire kupa bvumo mapoka akasiyana ekuti atenge chibage nehundi yegorosi (wheat bran) kubva kune dzimwe nyika sezvo rinoti kuita kwakadai kuri kukanganisa maindasitiri ari mubhizimusi rekugaya.

Bran kana kuti hundi inobuda panogaiwa gorosi uye inoshandiswa mukufidha zvipfuyo.
Mumagwaro akaendeswa kumahofisi egurukota rebazi rinoona nezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, mukuru weGMAZ – Muzvare Lynette Veremu – vanoti indasitiri inoona nezvekugaya iri kushushikana kwazvo nekupihwa kuri kuitwa magwaro anobvumira kuti chibage nehundi yegorosi zvinge zvichitengwa kunze kwenyika.

“Nyaya dzekutengwa kwezvirimwa zviviri izvi kunze kwenyika dzava kukonzera kuti zvemuno zvishaye vatengi uye zvirambe zvakawanda zvichikonzera kuti mitengo yazvo inge ichiderera. Munzvimbo dzakadai seMatebeleland North, South neBulawayo zvirimwa izvi zvawandisa,” vanodaro.

Muzvare Veremu anoti makambani anoita zvekugaya ari kutonetseka kuti oita sei nematani 11 650 echibage negorosi zvakagaiwa.

“Tinokumbira hofisi yenyu (Rtd Chief Air Marshal Shiri) kuti munge muchimbomisa kupa magwaro ese anobvumira kutengwa kwezvirimwa izvi kumiganhu yenyika yese uye seGrain Millers of Zimbabwe tiri kuzvipira kuzobhadhara mari dzese dzinodiwa pakufamba kuchaita mapurisa anenge achiita basa iri,” vanodaro.

Gore rapera, sangano reGMAZ rakatenga matani 800 000 echibage icho chakarimwa pasi pechirongwa cheHurumende cheCommand Agriculture.

Zvakadai, dura renyika reGrain Marketing Board (GMB) rinoti riri kutengesa zvirimwa zvidiki zvakadai semapfunde, mhunga uye chibage chekufidha zvipfuyo.

Mhunga nemapfunde zviri kutengeswa ne$250 patani imwe chete apo chibage chekufidha zvipfuyo chichiita $150 patani.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *