Kingstone Mapupu
TSIKA dzedu sevanhu vatema dziri kumboenda kupi? Nhasi uno hazvichashamisi kunzwa kuti mukuwasha ari kudanana naambuya kana kuti tezvara vari kupisa rudo nemuroora. Kuti ndicho chirungu chakati kuuya here ichi?
Asi vamwe zvavanoti chirungu chacho chakauya nechirungurira wani!
Mwedzi uno waChivabvu ndewekupemberera tsika nemagariro akanaka, apo panoitwa zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekuzvisimudzira senzira yekuzvidzoreredza.
Kwayedza svondo rino yakazvitsvaga zvekuti tsika dzevanhu vatema dziri kumbomedzwa nei, ikanzwa mavhu nemarara
Mambo Goronga, VaBoyi Nyamande (54), vekuNyamapanda, Mudzi, vanoti tsika dzechivanhu dzapera kurasika, izvo zviri kudzikisira chiremerera chevanhu vatema.
Vanoti kusiyana nakare apo vanyarikani vairemekedzana, nyaya dzemakunakuna dziri kuwanda mumativi mana enyika.
Mambo Goronga vanoti vamwe vanhu havacharemekedzani, zvokuti ambuya nemukuwasha vave kuonekwa vachipinda murudo, uyewo vatezvara nemuroora, kwozotiwo hanzvadzi nehanzvadzi.
“Taita dambudziko kumatare edu emadzishe, uko kunouya nyaya dzinomhura chivanhu chedu, zvokuti muroora navatezvara vanodanana zvekutoitisana pamuviri, ambuya nemukuwasha vopanana rudo, sekuru nemuzukuru voroorana . . . Semudare rangu, tinoranga zvakaomarara nyaya dzemakunakuna; tinoripisa,” vanodaro Mambo Goronga.
Vanoti tsika dzekunze ndidzo dzakanganisa nekuondonga magariro emuno.
“Dzimwe dzinonzi kodzero dzevanhu nemasangano akazvimirira ndidzo dzatikanganisa nekuti mamwe atinoti makunakuna kumatare echivanhu vanhu ivavo vakazoenda kumatare akadai seMagistrates’ Court zvinosvikonzi haasi makunakuna. Pachinyakare, mudzimai watsano — mukadzi wehanzvadzi yemudzimai wako — ndivo ambuya, haufanirwi kumhoresana navo, amai vemudzimai wako haufanirwi zvakare kubatana navo maoko uyewo musaite chiramu chakadarikidza,” vanodaro Mambo Goronga.
Vanoti kare vanakomana vaigara kudare nevakuru vachiudzwa tsika chaidzo dzekuva murume uyewo vanasikana vaigara kumadzitete nanambuya vachirairwa tsika kwadzo dzekuzova madzimai akadzikama.
“Vanakomana nevanasikana vanofanirwa kutandarira mudzimba dzakasiyana, vasingaite mabimbiri. Isu semadzishe tinofanirwa kudzosera chivanhu chedu panzvimbo asi dambudziko nderenyaya yedzimwe kodzero dzevanhu idzo dzinotsigirwa nemasangano akazvimirira,” vanodaro Mambo Goronga.
Mashoko avo anotsinhirwa naSpiwe Madzikanda (33) achiti vamwe vanhu, vechikuru nevechidiki, vari kukonzera kurasika kwetsika nekuda kwekuita zvimwe zvinhu zvisina hunhu.
“Nyaya yekuti vakuru vacho vanogona kudzoreredza tsika dzechivanhu panzvimbo hapana nekuti vamwe vavo ndivo vanotanga, vanaambuya vacho nemadzisekuru acho. Sekuru vanopfimba muzukuru wavo, ambuyawo vachidanana nemukuwasha, amai vanonyengerawo mwanasikana wavo wekubereka kuti aite chipfambi kuitira kuti vawane mari,” anodaro Spiwe Madzikanda.
VaChester Chasi Mhembere (76), vanobva mumusha waSabhuku Mhembere kwaNyamweda kuMhondoro, vanoti tsika dzasanduka nekuda kwekusangana kwemarudzi akasiyana-siyana.
“Tsika dzedu dzamedzwa nedzimwe tsika dzekunze. Makarekare mwana aisava wako wega; ukamuwana achikanganisa waimurova ipapo, womutora kuenda naye kuvabereki vake uko ainorohwa zvakare. Honai nhasi, tinoona vamwe vana vave kurova vabereki, varoora nevakuwasha vachirova madzitezvara nemadzimwene,” vanodaro VaMhembere.
VaTendai Chingondi (40) vekuHopley muguta reHarare vanoti zvakakosha kudzoreredza tsika dzechivanhu sezvo dziri idzo dzinoumba hunhu hwakanaka.
“Tsika dzedu dzareruka kusvika padanho rakaipa. Tinokumbira kumadzishe kuti vadzosere nyika patsika dzedu chaidzo. Nhasi uno kana ukasangana nemwana wemuvakidzani haambokumhorese, mwana wemukoma kana wemunin’ina wako haakutore sababa, anogona kukutaurira kuti handikuzivei,” vanodaro VaChingondi.
Vanoti pane mimwe misha inonzwikwa vana vachitaurira vanababa, vanamusarapavana, kuti vabereki vavo vari kumakuva.
Mbuya Martha Ried (64) vekuChitungwiza vanoti tsika nehunhu hwevanhu vatema zvarasika nekuda kwekutevedza tsika dzekunze.
“Pava kutoda vakuru nevadiki kuti tidzoreredze tsika dzedu panzvimbo; izvi zvinosanganisirawo madzishe edu,” vanodaro Mbuya Ried.




