Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ane makore 20 okuberekwa aiita basa rekutengesa muviri wekuNorthwood Suburb kuMberengwa anonzi akapondwa nevarume vaviri vakange vamukecha pamwechete nemumwe wake vachimupomera kuti aive avabira US$500 yavo apo vaisasana.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi wa9 Chivabvu gore rino nenguva dza4 masikati, Viola Hove naKudzanai Machipisa – vose vane makore 20 ekuberekwa vekuNorthwood Suburb kuMberengwa – vakavingwa nevarume vaviri vachitsvaga rudo kwavari uye vachida kusasana navo.
“Varume vaviri ava vanosanganisira Manyanya Mavhecha naShepherd Mundoga vekuJumbo 79 Mine kuMberengwa vanonzi vakavhevhetedza madzimai maviri aya kuti vasasane zvehusiku hwose, ndokubvumirana,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti mangwanani emusi wa10 Chivabvu, mumwe wevarume ava akatanga kupomera Hove kuti aiva avabira US$500.
Nyaya iyi yakazombogadziriswa nemuvakidzani uyo akavapa zano rekuti vaende kumapurisa eZRP Mberengwa kuti vanoyananiswa.
“Vanhu ava vakaenda kumapurisa ekuMberengwa apo Viola Hove asina kuzodzoka kumba. Mukoma wake wemumusha weFortune Park kuMberengwa akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMberengwa kuti aishaya munin’ina wake,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nemusi wa15 Chivabvu kwakazosvika runyerekupe kumapurisa eZRP Masvingo Central rwemashoko ekupondwa kwaHove nevarume vaviri ava zvakabva zvaita kuti nyaya iyi itange kuferefetwa.
“Kubva mukuferefetwa kwenyaya iyi nenyanzvi dzemapurisa, zvakazoita kuti mutumbi waViola Hove uwanikwe watowora mune imwe imba isingashandiswe kunzvimbo yeVillage 4 kupurazi reDunning kudunhu raMambo Bvute kuMberengwa. Mutumbi uyu waiva nemaronda ekurohwa aionekwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheMberengwa uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.
“Nekudaro isu semapurisa tiri kutsvaga varume vaviri ava nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda Viola Hove. Kune vane zvavanoziva munyaya iyi ngavaende kumapurisa ari padyo navo vopa mashoko kuitira kuti mhondi idzi dzisungwe,” vanodaro.




