Munyaradzi Gunduza
Tsanangura zvinhu zviri muna Museve Usingapotse zvinojekesa kuti rungano urwu rwuzere tsika nemagariro epasichigare. [25]Pasichigare kwaifambwa nzendo refu netsoka. Izvi tinozviona panoenda Pondai kwaMambo Mupambi achinotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu. Anofamba kwemazuva mazhinji kwazvo aitokwana gumi ari mumasango asati asvika.
Pasichigare vanhu vairarama nekuvhima. Zvinojekeswa naKaringe neshamwari dzake vanoenda kunovhima kusango ndokutora mazuva mashanu vasati vadzoka. Vanozodzokera kumusha nenyama yemhuka dzakasiyana-siyana yavaive vadzimba yaisanganisa yenhoro, yenguruve neyemhembwe.
Pasichigare kwaipfekwa zvipfeko zvaigadzirwa nematehwe emhuka. Izvi tinozvijekeserwa naKaringe anoburitswa akapfeka nhembe yakagadzirwa nedehwe rembada mazuva aanenge ari musango achivhima neshamwari dzake. Paanoona mbada tinonzwa nemunyori kuti ruvara rwayo nerwenhembe dzake rwakanga rwusina musiyano.
Pasichigare kwaishandiswa zvombo zvinosanganisa miseve. Izvi tinozviona panorwiwa hondo yeupambwa pakati paMambo Mupambi naMambo Chakaingesu, apo Pondai anoshandisa miseve gumi neumwe kuuraya Mambo Chakaingesu.
Tinoenderera mberi svondo rinouya.
. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.
NDINOFA NDAEDZA
1. Mazita evatambi vanotevera anodudzirwa sei murungano Ndinofa Ndaedza? (a) Revai (b) Tafirei (c) Ishe Zindoga (d) Ishe Chokupamba (e) Chandafira
Pamubvunzo wakadai chekutanga munotsanangura zvinoreva zita musingashandise mienzaniso kana zvinoitwa nemutambi asi sekuzikanwa kwezita racho mozotsigira nezviri mubhuku. (a) Revai kugara munhu uchingotaurwa nezvako kungave kunyombwa kana kudzikisirwa – amai nababa vake VaTiritose vanotiza kumusha kwavo kwaMutenure vachitya kurehwa, hunzi naVaMhake mitauro pamusoro pekuchengeta Revai yanyanya ngaaende kuhama dzake, kunyombwa naChamuka. (b) Tafirei kushaya chimuko pane chinhu chaunenge uchishuvira kuzadzisa/kufira mahara zvisina chikonzero – kutaura naShe Chokupamba kuti vape mauto enyuchi upfumi hwaVaTiritose vasati vaparadzwa, kushingirira kwaRevai kufadza VaMhake achivaitira basa repamusha asi vozomudzinga. (c) Zindoga munhu ane utsinye neudyire – kutapa Revai, Muchineripi naChandafira, kutungisa Chandafira nemombe, kutimbisa Revai doro. (d) Chokupamba munhu anotora zvinhu zvevanhu nechisimba – kupamba pfuma yaVaTiritose mushakabvu, kuramba kudzosera mauto enyuchi pfuma yaVaTiritose.
(e) Chandafira kuzvipinza mumatambudziko pasina chimuko chinozobuda – kutizwa naRevai osara achishungurudzwa naShe Zindoga, kutungiswa nemombe naShe Zindoga, kuitwa nhapwa naShe Zindoga, kubvuma kubatsira Revai kuba mbudzi yaShe Zindoga ozotizwa. Zivai kuti zita rinogona kududzwa nezviito zvevamwe vatambi.
2. Tsanangura madingindira anowanikwa murungano Ndinofa Ndaedza. [25]
Dingindira ndidzo pfungwa huru dzinoburitswa nemunyori mubhuku kuti tizive. Kazhinji ukabvisa pfungwa dzacho mubhuku rungano rwunogona kutadza kufambira mberi sezvarwunenge rwaita. Mamwe madingindira amunogona kudoma ndeaya; ushingi, unhapwa, ushamwari, udzvanyiriri netsividzo. Ngaritsigirwe nezviitiko zvikuru zvinobva murungano uye zvichipfuura zviviri.
Imwe mhando yemubvunzo uyu inoti; Ndeipi pfungwa huru inobuda muna Ndinofa Ndaedza? Tsigira kufunga kwako nezvinowanikwa murungano urwu. [25]
Pfungwa huru idingindira riri mubhuku rinobata zviitiko zvizhinji. Mumwe anokwanisa kuti pfungwa huru ndeyeushingi hunove hunozadziswa naRevai.
3. Tsanangura matambudziko masere anowira vatambi vari muna Ndinofa Ndaedza. [25]
Pese paunopindura mubvunzo wakadai unofanira kutanga nekuburitsa pfungwa yekuti “vatambi vanowirwa nedambudziko re . . .” Mutsigiro ndimo maunozotiudza kuti ndiani anowirwa nedambudziko iroro, rinouya sei, rini, kupi. Mamwe matambudziko anowira vatambi ndeaya; kurohwa (kunowira) Revai naChigange, kutapwa (kunowira) Revai, Muchineripi naChandafira, kupisirwa musha nemoto (kunowira) Ishe Dendera, kufirwa (kunowira) Ishe Machingauta, kubirwa (kunowira) Ishe Zindoga, kutizwa nemauto (kunowira) Ishe Dendera, kusungwa (kunowira) Revai, kupomerwa mhosva (kunowira) Revai ari kwaShe Zindoga.
. Mhinduro dzemibvunzo iyi dzizere dziri mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).
. Email: [email protected]
Nhare: 0772 610 360




