Tsiva mberi, mari mumashure-Musonda

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wetsiva ane mukurumbira arizve nyanzvi yekuronga mitambo uyu, Clyde Musonda, anoti vatambi pakutanga havafanire kutungamidza mari asi kuti vagadzire mazita avo.

Achitaura neKwayedza, Musonda anoti chinodiwa mumutambo wetsiva kuti munhu atange agadzira zita rake, zvemari zvozotevera.

“Tsiva pari zvino haina mari, vatsigirri chaivo hakuna. Asi vatambi tinovakurudzira kuti ngavasatungamidza mari sezvo chikuru kuti vagadzire mazita avo.

“Zita ndiro rakakosha nekuti ukahwina mitambo yakawanda uchirwira nzungu, mitambo ine mari inotanga kuuya uye kana mapuromota ekunze anotanga kukutsvaga voda kushanda newe nekuti vanenge vaona chiedza chakanaka pauri,” anodaro Musonda.

Musonda pari zvino ari kurairidza vatambi vatanhatu muchikwata chake cheDeltaforce Boxing Academy achitsigirwa neGypsite Sports Promotions.

Pavatambi vatanhatu ava, vana ndevemuZimbabwe nevaviri vekuMalawi.

VemuZimbabwe ndiTinashe “Chairman” Madziwana uyo anova shasha ine bhande reZimbabwe National Super Bantamweight, Collin Nyamambisha anorwa muboka reheavyweight, Simon Madanhire naTinashe Mutodza kuchizoti vatambi vekuMalawi ndiAnisha Bashil naIsreal Kamwamba.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *