TSVINA yemunhu pachivanhu inonzi inoshandiswa zvinhu zvakasiyana, zvikuru sekuti munhu akaiitirwa pachivanze chake kana kuizorwa inopa minyama izvo zvinoita kuti agare ari chiseko chenyika.
Mukuru wesangano ren’anga, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti nyaya yemudzimai akasungwa nemapurisa mushure mekunge anozora vamwe vanamati vechechi yeRoman Catholic iri kuWaterfalls, muHarare, tsvina yemunhu ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa.
“Pane mishonga yekurasira minyama yechivanhu apo vanhu vanonzi vanotanga vaita tsvina vobva vasiya varasira mishonga iyi pamusoro petsvina zvinoreva kuti munhu anenge arasira munyama waanenge ainawo,” vanodaro.
Vanoti dzimwe nguva mamwe makororo akange apedza kuba, anoitira tsvina panzvimbo yavanenge vaba senzira yekuti hwema hwavo husare pavaba ipapo kuitira kuti vasabatwe.
“Asi chikuru chaicho chiripo ndechekuti tsvina yemunhu inoshandiswa kupa munhu munyama, jambwa, kana chitsinha. Munonzwa mumwe munhu achinzi haaroorwe kana kuti haaroore, kana kusawana mabasa chaiko, vamwe vachitorwa iwe wakayeva, zvinokonzerwa nekugadzirwa netsvina yevanhu.
“Zvakare kana mumwe munhu asingade kubatwa kun’anga anogona kuenda akaisa tsvina yemunhu muhomwe kana mubhegi akaiputira kuti isanhuhwe.”
VaKandiyero vanoti panyaya yemudzimai wekuzora vanhu tsvina yemunhu kuchechi uyu aida kuvapa minyama iye chete onzi ndiye akanaka mukati mekereke yose.
Sekuru Bonface Katerere vekwaMurehwa vanotiwo hazvina chokwadi, pamwe mukadzi uyu anogona kunge achirwara kana kuti anobata-bata mishonga yakaipa.
“Kushandisa tsvina yemunhu kupa vanhu minyama nekuti mumwe munhu anonzi anokanda tsvina muchoto nemishonga anobva akusiira munyama zvachose. Asi munyaya iyi zvinoda kuonekwa kuti mukadzi uyu haarware nepfungwa here,” vakadaro Sekuru Katerere.




