Tsvina yemunhu mumugodhi?

Tafadzwa Mutsotso
VAVAKIDZANI vakaendesana kumatare edzimhosva vachipomerana kuitira tsvina mumugodhi unocherwa mvura yekunwa izvo zvakaita kuti maroja atame.

Noria Makiwa akamhan’arira Charles Shamuyarira naBetina Julius kuHarare Civil Court achiti vakaitira tsvina mumugodhi wake.

“Vanhu ava vandishaisa zororo. Rimwe zuva ndakachera mvura ine tsvina yemunhu mumugodhi wangu. Vakataura vega kuti tichakuonesa moto.

“Kutaura kuno pamba pangu hapachina kana michero nekuda kwavo. Vakatema mibhanana nemimango yangu. Zvino ini handizive kuti chii chandakavatadzira,” akadaro. Akati maroja ake ose akatama kubva pamba pake nekuda kwekuita kwaShamuyarira naJulius.

“Moto wavakati vanoda kundionesa ndiri kuuona zvechokwadi nekuti musi wandakaona tsvina mumugodhi maroja angu ose akabva atama pamba kuita kunge mhepo chaiyo.

“Ndakatomboendesa nyaya iyi kumapurisa vakati tinogadzirisana pachedu asi zvakaramba. Ndiri panguva yakaoma nevanhu ava,” akadaro Makiwa.

Shamuyarira naJulius vakaudza dare kuti Makiwa ainyepa.

“Handina dambudziko naamai ava uye handitombotaure navo. Handina nguva yekusvika kana pamba pavo nekuti ndinenge ndakabatikana nebasa. Zvose zvavari kutaura kuti takaendesana kumapurisa ndezvekunyepa,” akadaro Shamuyarira.

Julius akati haanawo kumbobvira atuka Makiwa.

“Handina kumbovatuka amai ava. Zvavari kutaura zvetsvina mumugodhi handitozive kuti vazviwana kupi nekuti handina kumbobvira ndaisa tsvina mumvura yavo. Kana zvekuti ndakavati ndinoda kukuonesai moto, amai ava hameno kuti chii chavari kutsvaga kwaandiri,” akadaro Julius.

Mutongi Trevor Nyatsanza akarasa chikumbiro chaMakaiwa achiti pakange pasina umboo hunogutsa dare.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *