Tsvina yemunhu mundiro

Lizzy Mushoriwa

MUMWE mudzimai anoti ave kugara akabatira hana yake mumaoko zvichitevera kuona kwaakaita ndiro yaive izere nezimukonde retsvina yemunhu zviri pamusowo wemba yake mushure mekunge anetsana nevavakidzani vake vanove mukoma nemunin’ina.

S Mare akamhan’arira Lenear Kuvarenga naBybity Kuvarenga kuHarare Civil Court achivapomera mhosva yekumushungurudza uye kumutadzisa kugara zvakanaka pamba pake.

“Changamire, vakadzi ava vandishungurudza. Takanetsana nekuda kwekuti vana vavo vanorasira marara kumba kwangu uye vakatombopwanya hwindo. Takaenda kumapurisa uko Lenear akanzi akumbire ruregerero asi akaramba ndokubva vazonzi vagadzirise hwindo iri izvo vakaita,” anodaro Mare.

Anoenderera mberi achiti, “Lenear akandiudza kuti ane n’anga yake inomupa mishonga inonzi Sekuru Banda uye anoti tichapedzerana. Anondituka kuti muroyi.

“Mushure meizvozvo, ndakazoona ndiro yaiva izere netsvina yemunhu pamusuwo pangu nokudaro handichaziva kuti ndiani ari kuita izvi. Saka ndauya kuno changamire wangu nekuti ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro.

Anoti Bybity anofurira maroja ake zvakare.

“Bybity ane tsika yekufurira maroja angu kuti asanditerere izvo vanozoita, uye vanoita ruzha nemawairesi avo zvinondishaisa rugare. Ndinoda runyararo uye vana vavo ngavasakande zvinhu kumba kwangu,” anodaro Mare.

Achipawo divi rake, Lenear anoramba mhosva yaari kupomerwa naMare.

“Handiende kumba kwavo, asi kuti ivo ndivo vanouya kwangu vachindituka. Ehe, kumapurisa takaenda hwindo rikagadzirwa, asi handina kumbovati muroyi ini,” anodaro.

Bybity anotsinhirawo kuti nyaya yehwindo yakagadziriswa. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mare gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *