Cholera: Vanhu 30 vafa

Munyori weKwayedza
HUWANDU hwevanhu vafa nechirwere checholera hwakwira kubva pa28 kuenda pa30 panguva iyo Hurumende, kanzuru yeHarare, mapurisa eZimbabwe Republic Police nemamwe mapoka akasiyana vari mushishi kurwisa kupararira kwedenda iri.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanotsinhira nezvekukwira hwehuwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi vachiti kusvika pari zvino, vanhu 5 463 vabatwa necholera uye vari kurapwa.

“Huwandu hwevanhu vafa necholera hwasvika pa30 zvichitevera kufa kwevamwe vanhu vaviri. Matanho akasimba ari kutorwa mukurwisa kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Sedanho rayo rekubatsira kurwisa cholera, kambani huru pakudhinda nekutepfenyura nhau munyika, yeZimpapers Group, yakatovamba zvirongwa zvinobatsira nekupa veruzhinji ruzivo nechenjedzo yechirwere ichi.

Zvizhinji pamusoro pecholera onai bepanhau reKwayedza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *