Tusvava togerwa vhudzi nemabhodhoro . . . rukuvhute rwochengetwa nemachembere

Kingstone Mapupu

VAROORA vemhuri inogara mumusha waSabhuku Badze kudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve vane kukahadzika kukuru nekuda kwetsika inoitwa mumusha uyu yekuti vana vacheche vose vanoparwa vhudzi ravanoberekwa naro nemabhodhoro akaitwa zvekupwanywa.

Izvi zvinonzi zvakatangwa kuitwa kubva pasichigare izvo varoora nevamwe vechidiki vanoti havazive kuti tsika iyi inobatsire chii.

Madzimai emumusha uyu anonzi anosunungutswa nananyamukuta machembere edzinza iri votora rukuvhute rwevana rwuchinochengetwa panzvimbo imwechete.

Mai Brendah Kagoro (32), avo vanove muroora mumusha uyu, vanoti tsika iyi hapana anogona kuiramba sezvo vakaroorwa zvichingoitwa.

Vanoti bvudzi revana ava rinoveurwa nemabhodhoro rinochengetwa zvakare nemachembere aya kusina anoziva.

“Zvose izvi zvinoitwa zvichitungamirirwa nevakuru vemusha nemachembere aya, sewangu mwana ava kurwara uyo akatambirwa nemachembere aya vakatora rukuvhute rwake ndokumuveura musoro nebhodhoro zvose vakazvitora, kwavakazviendesa hatikuzive. Mwana akazooma rutivi, izvo zvinonzi zvinogona kunge zvakakonzerwa nemhiko idzi,” vanodaro Mai Kagoro.

Vanoti vari kuenda kuzvipatara vanachiremba vachiti mwana uyu akaoma mitezo kana kuti akaita sitoroko.

“Izvozvi varoora nevamwe vanasikana vemumusha uyu, kusanganisawo nevanakomana vari kutiza vachitamira kunzvimbo dziri kure. Nyaya iyi yatitambudza saka ndauya kwamuri vatori venhau,” vanodaro Mai Kagoro.

Vanoti mwana wavo mukomana wedangwe ane makore manomwe okuberekwa ari kurwara zvisinganzwisiswe uye anopota achipunzika.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevakuru vemhuri iyi sezvo nhare dzavo dzakange dzisingabatike kusvikira pakubuda kwenyaya ino.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *