‘Uku kushereketa kunotyisa’

NYANZVI dzezvechivanhu nevamwe vakuru vemachechi vanoti nyaya yemakuva mashanu anonzi akafuma akacherwa nevanhu vasingazivikanwe pamarinda ari kwaMashayamombe, kuMhondoro, ine chekuita nemabasa ehuroyi.

VaJonathan Shonhiwa kana kuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi vanoti kubva vachikura havana kumbobvira vakaona kana kunzwa mashura akadaro.

“Nyaya iyi inovhundutsa, ini ndiri chiremba wechivanhu asi uku kutanga kunzwa nenyaya yakadai. Inyaya inofambirana nekushereketa kukuru nehuroyi.

“Mhuri iyi ngaibatane vaende kumagodobori anoziva vabatsirwe,” vanodaro.

Prophet Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries vanotiwo nyaya iyi inodyidzana nemabasa erima.

“Hakuna chimwe chatinogona kutaura kunze kwekuti Satani akafamba nemakumbo ake mumusha uyu kuti makomba emakuva anocherwa pasina kuonekwa vanhu vaita izvi. Makuva mashanu kucherwa husiku humwe chete? Inga wani guva rimwe chete vanhu vanoswerera vakawanda zvekutodarika gumi, zvino ava vanhu rudzii?” vanodaro Prophet Freddy.

VaPatrick “Sekuru Bhaureni” Kapfunde (43) vekuMt Darwin vanoti nyaya iyi ine chekuita nemabasa ehuroyi.

“Vanhu ava vanogona kutadza kuwirirana zvavo vachiti vanonamata vamwe vachitiwo vanoita zvechivanhu, asi chiripo ngavafambe kwavanoda vabatsirwe nekuti uku hakusi kutamba. Vanhu vakaita izvi vane chinangwa chavo chekupedza vagari vemumusha uyu nekuti hakuna asina hama yakavigwa munzvimbo iyi.

“Vanhu vakachera makuva aya vaisava voga asi vaiva nenyanzvi chaiyo, chitopota munyaya dzekushereketa. Varume vari mumusha uyu ngavamire sevarume vagadzirise dambudzko ravawira iri,” vanodaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×