MAZUVA ano veruzhinji vari kuchema-chema zvikuru pamusoro pekuraswa kuri kuitwa tsika dzevanhu vemuno, zvose nevechidiki nevechikuru.
Kumwe kushaya hunhu kwacho kwave kutotyisa zvekuti unobva wazvishairwa shumo yazvo.
Regai vamwe vazoti zvimwe zvacho ndizvo zvinotadzisa mvura kunyatsonaya! Senyaya mbiri dzatinadzo svondo rino, dzinoti yemwanakomana anonzi akakanda shoko rerudo kuna amai vake pamwe neyemuroora anotuka vamwene nekuvarova kana achinge adhakwa nedoro.
Nyaya yekutanga yemurume anonzi akasvitsa shoko rerudo kuna amai vake yakaitika kwaMusana, kuBindura, uye yakatotongwa kudare reko.
Murume uyu akamiswa mudare rasadunhu ndokuripiswa mushure mekubatwa nemhosva yekupfimba amai, mudzimai wababamudiki vake.
Pachivanhu amai, ndiamai zvisinei kuti handivo vanenge vakakutumbura kubva mudumbu uye vanofanirwa kupihwa ruremekedzo serunopihwa amai nyakukubereka. Kunyangwe zvazvo murume uyu akada kuramba nyaya iyi achiti amai vake ava vakaendesa nyaya iyi kudare rasadunhu vachida kuhwanda nyaya yekuti akavabata nechikomba, akakonwa nemhosva iyi.
Uye kudai asina kugutsikana nemutongo waakapihwa angadai akakumbira gwaro kubva kuna sadunhu ava kuti nyaya yake igotongwa zvakare kwaMambo Musana. Asika, haana kuita izvi.
Mudzimai ari munyaya iyi anofanira kurumbidzwa nekuramba kwaakaita kudanana nemwanakomana wake uyu nekuti kune vamwe vane hunzenza vari kuita chipini chisina mukare akamboona.
Nhasi uno unonzwa nyaya dzekuti tezvara vari kudanana nemuroora kana kuti mukuwasha opisa rudo naambuya, zuva rakacheka nyika.
Kunyangwe zvazvo zvikanzi pasi rarohwa nenyundo, hunhu hwakadai hunofumura tsika nemugariro evanhu vatema.
Munyaya yechipiri, iyozve yakapinda mudare reHarare Civil Court, pane muroora ane marambadoro uyo anonzi anotuka nekurova vamwene zvinoratidza zvakare kushaya hunhu kwakadarikidza.
Vamwene ndivo vakapotera kudare iri vachida gwaro redziviriro mushure mekunge vaoneswa pfumvu nekurohwa pamwe nekutukwa nemuroora wavo.
Kuratidza kuti muroora uyu haana hunhu aitodaidza vamwe vake nezita ravo mudare zvinova zvisingatarisirwe mukugarisana kwevanhu vatema.
Hongu, vanhu vanogona kutadza kuwirirana mumagariro asika ngazvirege kusvika pakuti muroora anozvambaradza vamwene kana kuti vamwenewo vanorikita muroora.
Maitiro akadai anobvisa hunhu.
Pane hunhu hunotarisirwa pakati paamwene nemuroora, mukuwasha naambuya kana kuti amai nemwana uhwo hunofanira kutevedzwa.
Vechikuru vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune vechidiki kuitira kuti vagodzidza kwete kuti vave ivo nhubu dzemandiriri.
Chinongodiwa kuremekedza hunhu hwakanaka kwete kuti vanhu vagorarama semhuka. Kana idzo mhuka wani, dzinotovawo nehunhu!




