‘Une chimbuzi mumukanwa’

Arnold Kaseke
MADHIRI ekutengeserana terevhizheni pakati pemumwe mukadzi nemurume akazoputika apo vakadhonzerana kudare mushure mekunge mudzimai uyu ave kuda kudzoserwa mari yake achiti terevhizheni yacho haishande.
Regie Nzuma akaendeswa kuHarare Civil Court naLucia Kangausaro mushure mekunge aramba kumudzorera mari yake.

Kangausaro akati: “Mufunge henyu vedare, murume uyu ane chimbuzi chaicho mumukanwa make, anotaura zvaanoda apa ane mari yangu $46. Iyi haisi mari yakawanda kwandiri zvekuti chero dai anga asiri kukwanisa kundipa mari yacho hazvina hazvo basa, aingogara nayo. Asi icho chimbuzi chakabhuroka chiri mumukanwa make ndicho chaita kuti ndiuye kuno kuti andidzorere mari yangu.

“Ndinogaroenda kumba kwake ndichida kuti andipe mari yangu asi anonditi, ‘usandinetsere kamari kasina basa, hakakwane kana chinhu ako’.

“Ndakamuendesa kumapurisa akaudza mapurisa neni kuti ‘hamundimanikidze kubhadhara mari iyi yese, ndinokwanisa kungokuudzai kuti ndinokwanisa kumupa koini pamwedzi chete’. Akanditengesera chiterevhizheni chakafa saka anofanira kundidzosera mari yangu yakakwana.”

Mutongi Gamuchirai Siwardie akabvunza Nzuma kana mashoko aitaurwa aya aive echokwadi iye ndokubvuma kuti aive nechikwereti chaKangausaro.

“Mari ya ‘momz’ ava handisi kuramba kuti ndinayo asi ndinokwanisa kuvadzorera $23 pamwedzi nekuti handishande. Terevhizheni yandakavatengesera yanga itori yemadhiri uyezve hapana yemusana yandakadya,” akadaro Nzuma.

Mutongi Siwardie akati Nzuma ape Kangausaro mari yake yakakwana mwedzi waGunyana usati wadarika.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×