Murray akabuda muchikwata cheshasha

SHASHA yetennis, Andy Murray uyo ange ari mumwe wevanogona zvanyanya  gumi dzemutambo uyu pasi rose, haasisimo muchikwata ichi zvichitevera kutadza kuhwinha kwaakaita kumakwikwi eUS Open.  Murray ange ari muchikwata cheshasha idzi uye aka ndekekutanga achibuda kubva mugore ra2008 mushure mekurakashwa naMalin Cilic kumakwikwi eUS Open nguva pfupi yadarika.

Kuve kwake nhamba 11 pashasha dzemutambo wetennis pasi rose, kunoreva kuti akatarisana nemakwishu makuru ekuti awane mukana mumwe chete pamisere iripo wekukwikwidza apo mwaka uno wava kunopera kumakwikwi eWorld Tour finals achange achiitirwa kuLondon muna Mbudzi.

Murray ane zvibodzwa zvinokosha zvaanotarisirwa kuwana apo achange achitatsurana naTomas Berdych uyo anove pasi-pasi pachikero chevatambi vanokodzera kupinda mumakwikwi ekupedzisira emwaka aya. — BBC Sport.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×