‘Une chipfambi chinosemesa’

Janet Chikotosa
MUKADZI wekugara achida kuchekwa nebanga nemurume wake pavanonetsana nenyaya dzekuti haabvire mumadhirezi akazopotera kudare. Precious Chikati akaendesa Dzamisai Chikati kuHarare Civil Court achiti afunga zvekusiyana naye nekuda kwekushungurudzwa.

“Vakuru vedare, ndatambura nemba yangu ndokusaka ndiri pano nhasi kukumbira gwaro redziviriro. Murume wangu uyu ndagara naye makore gumi asi haachinje hunhu hwake. Chipfambi chakapinda murume wangu chakanyanyisa zvekuti haasisina kana nyadzi.

“Handina kumbofunga kuti munhu akaroora anosvika pakuita chipfambi chinosemesa kudai. Kubvira ndiroorwe ndozvaanga angori asi ndakati semunhukadzi, regai ndimboshingirira imba yangu pamwe zvinochinja.

“Akandiburitsira banga kanokwana kana achiti anoda kundiuraya. Kuramba ndiri mumba makadai chasara kuuraiwa chete. Saka ndati zviri nani ndibude zvangu ndigare ndakasununguka,” akadaro.

Precious akati kurega kutapurirwa hosha yepabonde nemurume wake inyasha dzaMwari nekuti nekuti haabvire mumadhirezi.

“Hapana rudzi rwemukadzi rwaasingazive, vakobvu, vapfupi, varefu, vatete, vatsvuku nevatema. Kana iri nyaya yekurohwa nekutukwa, handichataure. “Akangobva kushamwarikadzi dzake anenge aine hasha dzisingaite. Anenge ave kutondisema. Takatombogariswa pasi semhuri asi vakaona zviri nani kuti dai tambosiyana nokuti chipfambi chacho chanyanya,” akadaro Precious.

Dzamisa haana kupokana nezvaitaurwa nemukadzi wake asi akati asiya mabasa ake akaipa ekugara achimurova nekuita chipfambi.

“Handipikisani nemashoko emudzimai wangu. Asi haabvume kuti ndakasiya mabasa angu akaipa aya,” akadaro Dzamisai. Mutongi Barbra Mateko anopa Precious gwaro redziviriro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×