SANGANO rakazvimirira reRoots riri kurwisa kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, zvikuru avo vanogara kunzvimbo dzakasaririra sekumapurazi nekumigodhi.
Roots iri kuita izvi kuburikidza nekudzidzisa vana ava kodzero dzavo pamwe nekuvabatsira mukutanga mabhindauko emawoko akasiyana.
Mukuru wesangano iri, Mai Beatrice Savadye vanoti chinangwa chavo ndeche kuvandudza upenyu hwevanasikana, kunyanya avo vanobva kumhuri dzinoshaya.
“Donzvo redu nderekurwisa kuroorwa kwevanasika vachiri mazera madiki uye kuti vazive kodzero dzavo. Tinoshanda pamwe chete neveNational Aids Council mukurwisa kupararira kwezvirwere zvepabonde seHIV neAIDS. Vamwe vatinoshanda navo ndeve National Family Planning Council of Zimbabwe nebazi rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana apo tinoita zvirongwa zvakasiyana zvokusimudzira utano,” vanodaro.
Vanoti tsvakiridzo yavakaita nguva yadarika inoratidza kuti vanasikana vane makore ari pasi pe18 okuburekwa vari kumbunyikdzwa pabonde nevanhurume, zvikuru avo vavanenge vaine hukama navo.
Pasi pemutemo wenyika, imhosva kuti mwana ari pasi pemakore 18 okuberekwa aroorwe kana kuroora.
Sangano reRoots riri kushandira munzvimbo dzakaita sekuShamva, kuMashonaland Central, uko riri kusimudzira mabhindauko emabasa emawoko.
Mabhindauko aya anosanganisira kurima nekuchengeta zvipfuyo zvakasiyana. Kwayedza nguva yadarika yakashanyira nzvimbo iyi ndokuita hurukuro nevamwe vanhukadzi vepapurazi reAnadale Farm avo vari kubatsirwa nesangano iri mushure mekunge varoorwa vasati vabva zera.
Caroline Bhaureni (21 ) anoti akaroorwa aine makore 16 okuberekwa.
“Ndakagara nemurume kwegore nemwedzi miviri uye ndakasangana nematambudziko akawanda sezvo chikoro ndakagumira paGrade 7.
“Murume wandaigara naye aiva nemakore 20. Mwana wangu iye zvino ava negore rimwe chete nemwedzi gumi,” anodaro.
Bhaureni anoti aishungurudzwa nemurume wake uyu asingamupe mari yekutenga chikafu kusvikira akazosiiwa oga nemwana.
Nicla Chidamusiya (17) anotiwo kuroorwa munhu asati abva zera zvakangofanana nekuzvisikira moto muziso.




