Vopunduka nekuchengeta hove

Malven Mugadzikwa
CHIKWATA chevarume nevakadzi vari kurarama neutachiona hweHIV neAids kuDande, rapunduka nekuchengeta hove senzira yekuvandudza utano hwavo pamwe chete nekuwane chouviri. Sachigaro wechikwata cheBudiriro Fishpont, icho chiri paBandimba Clinic, VaChanetsa Chibikamukoto, vanoti vanhu vanorarama neutachiona hweHIV neAIDS vanofanira kutsvaga mabhindauko anovararamisa.

“Kare taimbobatsirwa nemasangano akazvimirira achitipa chikafu asi takaona kuti kutangawo bhindauko redu toga zvinotibatsira sezvo tiine chouviri chatinowana pamwe nekubatsira mhuri dzedu. Patakafunga kutanga kupfuya hove takabatsirwa nesangano reWorld Vision nekupihwa hove nechikafu chadzo,” vanodaro VaChibikamukoto.
Vanoti vari kukwanisawo kuendesa vana vavo kuchikoro kuburikidza nebhindauko rekuchengeta hove iri.

“Kubva muhove dzatiri kuchengeta idzi, tiri kuwana mari yechikoro yevana, yekutenga chikafu pamwe chete nekudya kwakanaka. Patinokohwa hove dzedu, vanhu vanouya vachitenga nekuti vanoda hove dzavanoziva kuti dzichakanaka pane dzakaomeswa sezvo dzimwe dzacho dzinonzi dzine njodzi kuutano.”

VaMunezo Tenson, vanova mubati wehomwe wechikwata ichi, vanoti itarisiro yavo kuti vavandudze mashandiro avo.
“Kune mabhindauko akawanda aitaurwa mumisangano yataipinda asi takaona kuti rehove rinotiitira nyore. Ndizvo zvakazoita kuti titsvage rubatsiro kuWorld Vision. Vazhinji vemunharaunda vava kutotangawo kuita zvehove izvi vachiona zvatiri kuita nekuti ibhizimisi rinounza mari nekukasika kana hove dzacho dzikanyatsoita zvakanaka,” vanodaro.

Nhengo dzechikwata ichi dzinotenda sangano reNational AIDS Council nekuvabatsira kwarinoita nemapiritsi emaARV pamwe neruzivo rwakadzama pamusoro pedenda iri.

Mai Tadiwa Pfupa, vanove communications officer weNAC, vanorumbidza nhengo dzechikwata ichi vachiti kunze kwekuwana kudya kunovaka muviri, vave kukwanisawo kuwana chouviri.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×