Unzue oshuvira kutsiva Enrique

MUTEVEDZERI wemurairidzi weBarcelona – Juan Carlos Unzue – anoti anoda kutsiva Luis Enrique samaneja wechikwata ichi pachapera mwaka uno achiti haadi kupedza nguva achiita mitambo yekuzorodza pfungwa.

Enrique nguva pfupi yadarika akabuda pachena kuti achasiya basa rekurairidza Barcelona pachapera mwaka uno achiti anoda kumbozorora.

Unzue mumwe wevarairidzi vari kukwikwidza kutsiva Enrique pamwe chete naErnesto Valverde murairidzi weAthletic Bilbao.

Murairidzi uyu – uyo ane makore 49 okuberekwa – akataura hake kuti anoda basa iri.

“Ndinovimba kuti ndinenge ndisina nguva yekuchovha bhasikoro gore rinotevera sezvo ndisiri kuda izvozvo,” akadaro Unzue achitaura neMarca.

“Kana uri murairidzi nguva yekuita mimwe mitambo yekuzvitandadza ichazouya mune ramangwana.”

Enrique, uyo akwanisa kuhwina mikombe misere neBarcelona kubva paakagadzwa pachigaro chinopisa mugore ra2014, anoti haambotsamwe kana Unzue akamutsiva pachapera mwaka uno. – Daily Mail.

 

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×