‘Anonditi ndibvise mimba’

Tafadzwa Mutsotso
MUSIKANA wekutsveterwa nemukomana wake kuti aiite pamuviri ava kuzvidemba sezvo muchinda uyu ave kuti nhumbu iyi haizi yake, nekudaro anofanira kuibvisa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Dimon Simoya akamhan’arira musikana wake — Clara Mungazi — achimupomera mhosva yekumutuka nekumutyisidzira nerufu.

Simoya akakumbira dare kuti gwaro rake rerunyararo raainge ambopihwa riwedzerwe zvimwe zvakaita sekurambidza Mungazi kusvika kumba kwake.

“Ndinokumbirawo kuti gwaro rangu rerunyararo riwedzerwe zvimwe nekuti musikana uyu haasi kuda kusiyana neni. Anoenda kumusha kwangu achinoona vabereki vangu achivakanganisa kugara kwavo apa ini amai vangu vane dambudziko rechirwere cheshuga. Uyezve anouya kumba kwangu achindirwisa,” akadaro.

Anoti haana chokwadi kuti pamuviri pana Mungazi ndepake.

“Mukadzi uyu handimude uye pamuviri paainapo handina chokwadi chekuti ndepangu. Ndakatembenge ndagara naye asi pashure ndakazoona kuti aishamwaridzana nevamwe varume. Saka ndakamuudza kuti kana mwana azvarwa tozoenda kuma’partenity tests’ ndoona kuti mwana ndewangu pachokwadi here,” anodaro Simoya. Anoti hapana kana hama yaMungazi yaanoziva.

“Handikwanisi kuti ndimutore semukadzi wangu nekuti hapana kana hama yake yandinoziva. Zvinoreva kuti pane vakomana vake chaivo vaanoda, vaairatidza hama dzake. Ngaarege kuenda kumusha kwangu nekuti haasi mukadzi wangu, handimude,” anodaro.

Mungazi akaudza dare kuti Simoya ndiye akanomuratidza kuvabereki vake.

“Ari kunyepa nekuti ini ndakatosvika kumusha kwake nekuda kwake. Ndaikuziva sei dai asiri iye akandiudza? Zvese zvaari kutaura kuti ndinonetsa vabereki vake manyepo, hapana wandinonetsana naye kumusha. Haakwanise kundirambidza kuenda kumusha kwake nekuti pamuviri pandinapo ndepake uye pave kuda kutosunungukwa apa ndakanyoresa kuchipatara chekumusha ikoko,” anodaro Mungazi.

Anoti haana vamwe varume vaanoziva kunze kwaSimoya.

“Zvaari kuti ndinoita zvezvikomba manyepo. Ndakatogara nemurume uyu kubva gore rapera akanditi tichiita pamuviri asi iko zvino ndipo ave kuda kundiramba.

“Pamuviri ndepake zvaanonyatsoziva uyu ngaasade kunyepera dare. Anoda kuti ndiende kupi nepamuviri pangu? Handina pekugara ini apa ndatove pedyo nekusununguka,” anodaro Mungazi. Anotizve Simoya akambomurova zvakaipisisa achida kuti abvise pamuviri paanapo apa.

“Handimurove, kumutuka kana kumutumira mashoko ekutyisidzira. Ndiye akatondirova ndikapotsa ndafa apo aindimanikidza kubvisa pamuviri paanga anditi ndiite asi ave kuparamba,” anodaro.

Mutongi Sharon Chipanga akati vaviri ava vadzoke kudare kuzonzwa mutongo wavo.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×