‘Upenyu pamberi, zveupfumi shure’

Munyori weKwayedza

PRESIDENT Mnangagwa vanoti upenyu hwevanhu hwakakosha kudarika kusimukira kweupfumi hwenyika panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura vari kumuzinda wavo weState House, muHarare, uko vaigashira zvipo zvekubatsira kurwisa Covid-19, President Mnangagwa vanoti vachiri kumbozeya matanho ekutora panopera mazuva avakawedzera ekuti veruzhinji vagare kudzimba.

Mazuva akawedzerwa aya anokwana nemusi weSvondo.

President Mnangagwa vanoti: “SeHurumende uye semutungamiri wenyika, takarong nezvazvo (zveCovid-19) kuti toita sei? Takatarisa divi rekuda kuvandudza upfumi hwenyika pamwe chete neupenyu hwevanhu, kuti vararame. Ndakaona kuti kana vanhu vakafa, hatigone kuvamutsa,” vanodaro.

“Upfumi hwenyika hunogona kudonha nhasi asi hunokwanisa kumutsurudzwa mune ramangwana. Kana vanhu vari vapenyu bedzi, munogona kuronga nzira dzekumutsa nadzo upfumi, asi handisati ndamboona panoitwa musangano wekuti munhu afa angamutswa sei.”

Vanoti chinangwa cheHuurumende kususukidza upenyu hweveruzhinji mberi vachiti makambani nemasangano ari kupa rubatsiro mucherechedzo wekukoshesa upenyu hweruzhinji.

President Mnangagwa vanoti vakawedzera mazuva ekuti vanhu vagare kudzimba nemavhiki maviri, asi pari zvino vanangana nekuona kuti ndezvipi zvingaitwa panokwana mazuva aya nemusi weSvondo.

“Ndichiri kufunga nezvazvo, asi chinangwa chikuru kuchengetedza upenyu hwevanhu. Ndiri kuona zviri kuitika pasi rose nekuti dzimwe nyika dziri kuita sei. Vamwe havasi kuita nemazvo, vamwe vari kunyanyawo kusunga,” vanodaro.

Cde Mnangagwa vanoti vari kufadzwa nezviri kuitwa nevemaindasitiri nevamwe mukubatsira kurwisa Covid-19.

Vanoti vari kutaura nevemaindasitiri, vemachechi nemadzimambo uye vari kuwirirana kuti panofanirwa kungwarira upenyu hwevanhu.

Mumiriri wenyika yeIndia muZimbabwe, Rungsung Masakui akagashidza President Mnangagwa mishonga yakabva kunyika yake.

Mishonga iyi inosanganisira chloroquine nehydroxychloroquine iyo iri kushandiswa pasi rose semushonga wekurapa Covid-19.

Anoti matani churu emupunga ari kuuya nengarava ukuwo vashandi vezveutano 25 vari kudzidza padendemutande chirongwa chekudzivirira Covid-19 icho chiri kutsigirwa nehurumende yeIndia.

African Sun yakapawo micheka inokosha mamiriyoni $1.2 ukuwo Rainbow Tourism Group (RTG) ndokupa micheka inokosha $800 000. Cresta yakapa micheka ye$450 000, kuchiti Gain Wholesalers yakabatsira nechikafu chakasiyana-siyana.

FAW yakauyawo neboom sprayer kuti zvishandiswe kupfapfaidza nzvimbo dzinosvika veruzhinji pamwe chete nemamasiki 600 emapurisa ari kushandira mumigwagwa.

Coverlink yakapawo mishonga inokosha $20 000, Cottco ndokuuyawo nemaknapsack spayers 500, mamasiki 12 000 nemarita 1 000 ehydrogen peroxide disinfectant.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, muZimbabwe mange mawanikwa vanhu 40 vaine Covid-19 mushure mekunge pavhenekwa vanhu 7 642. Pavarwere ava, vana (4) vavo vakashaya, vashanhu ndokunaya.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×