‘Uri chapungu chaicho pamari’

mari2
MUMWE mudzimai akadhonzera murume wake kudare achida US$500 yemendenenzi pamwedzi achiti baba ava ichapungu chaicho sezvo vachiomera “zvose”. Claudia Nzombe akamhan’arira Collin Mateka kuHarare Civil Court achida mari yekuchengetesa vana vavo. “Ini ndiri kutoda mari yakawandisa, yese yaunohora kubasa kwako nekuti ndinochengeta vana usipo uchigara kushamwarikadzi.

“Nyaya haisi yemendenenzi chete zvose zvishoma, ndinoda zvese asi murume uyu chapungu chaicho, anondinyima zvese asi ini ndirini amai vevana vake,” akadaro Nzombe.

Mateka haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naNzombe achiti:
“Unoda kuti ndikupe chii, mumba maunogara ndini ndinobhadhara chikafu? Kufuta kudai handiti imari yangu? Ndakakurorera kuti uzvare vana nekundiitira yese yandinoda. Kana ndakaneta imhosva? Ko ndave muchina here usina zororo?”

Akaenderera mberi achiti: “Mari yaunotaura handiiwane kana iwe handina kukuroora mari yakawanda kudaro uyezve unoda mari yevana vamwe vabva zera vave kukwanisa kuzvishandira. Unotopenga.”
Mutongi Gamuchiai Siwadi akati Mateka abvise $150 pamwedzi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×