Tsvarakadenga ichasarudzwa

MISS-ZIM
Nyasha Mutena

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa muHarare kumakwikwi etsvarakadenga, eMiss Zimbabwe fainari nemusi weMugovera svondo. Chiitiko ichi chichaitirwa kuMabvazuva Village, pedyo neEconet Office Park, kuMsasa. Vachitaura nezvemakwishu aya, sachigaro weMiss Zimbabwe Trust, Mai Mary Chiwenga, vanoti semakore ose, vakaronga makwikwi emhando yepamusoro.Vanoti vane tarisiro yekuti vanasikana vachawana mukana wekuratidzira runako pamwe nenjere pachiitiko ichi, apo pachazosarudzwa tsvarakadenga ichamiririra Zimbabwe kumakwikwi epasi rose, eMiss World, ayo achaitwa muna Gunyana gore rino. “Semakore ose, makwikwi aya achange akarongeka uye idopiro rega-rega.

Pachasarudzwa tsvarakadenga ichazomirira nyika ino kumakwishu akadai seMiss World,” vakadaro Mai Chiwenga.
Mai Chiwenga vanoti vane tarisiro yekuti ruzhinji rweZimbabwe rwuchanotsigira chiitiko ichi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×